디모데후서 2장 쇼나
- 1 Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
- 2 Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.
- 3 Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu.
- 4 Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa.
- 5 Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.
- 6 Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko.
- 7 Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvese.
- 8 Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;
- 9 yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.
- 10 Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.
- 11 Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.
- 12 Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba.
- 13 Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba.
- 14 Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa.
- 15 Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
- 16 Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari,
- 17 neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi;
- 18 ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe.
- 19 Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama.
- 20 Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa.
- 21 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka.
- 22 Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena.
- 23 Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa.
- 24 Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu,
- 25 anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi,
- 26 uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakange vakabatwa naye pakuda kwake.