디모데후서 3장 쇼나
- 1 Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.
- 2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,
- 3 vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,
- 4 vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari,
- 5 vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo.
- 6 Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana,
- 7 vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.
- 8 Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo.
- 9 Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo.
- 10 Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,
- 11 kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese.
- 12 Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa;
- 13 asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.
- 14 Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,
- 15 uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.
- 16 Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama;
- 17 kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rese rakanaka.