디모데후서 4장 쇼나
- 1 Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake:
- 2 Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wese nedzidziso.
- 3 Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve;
- 4 uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano.
- 5 Asi iwe svinura pazvinhu zvese, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.
- 6 Nokuti ini ndatodururwa sechipo chinodururwa, nenguva yekubva kwangu yasvika.
- 7 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo;
- 8 kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama nezuva iroro; kwetewo kwandiri ndega, asi nekune vese vanoda kuonekwa kwake.
- 9 Shingairira kukurumidza kuuya kwandiri.
- 10 Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia.
- 11 Ruka ega aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira.
- 12 Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso.
- 13 Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe.
- 14 Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;
- 15 iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu.
- 16 Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vese vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.
- 17 Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vese vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
- 18 Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni.
- 19 Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
- 20 Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
- 21 Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzese.
- 22 Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.