빌레몬서 1장 쇼나
- 1 Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu,
- 2 nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako:
- 3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
- 4 Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu,
- 5 ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese,
- 6 kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.
- 7 Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama.
- 8 Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,
- 9 asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu.
- 10 Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo,
- 11 wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri,
- 12 wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu;
- 13 wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;
- 14 asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido.
- 15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi;
- 16 arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe.
- 17 Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini.
- 18 Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri;
- 19 ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako.
- 20 Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe.
- 21 Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva.
- 22 Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.
- 23 Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu,
- 24 Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.
- 25 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni.