히브리서 12장 쇼나
- 1 Naizvozvo nesu tine gore rezvapupu rakatikomberedza, ngatibvise mutoro wese nechivi chinonamatira nyore, ngatimhanye nemoyo murefu nhangemutange yatakaisirwa,
- 2 takatarira kuna Jesu, muvambi nemupedzeredzi werutendo, iye nekuda kwemufaro waakaisirwa, wakatsunga pamuchinjikwa, achizvidza kunyadziswa, akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe chaMwari.
- 3 Nokuti cherekedzai iye wakatsunga pagakava rakadai revatadzi vachimirisana naye, kuti murege kuneta, muchipera simba pamweya yenyu.
- 4 Muchigere kupikisa kusvikira muropa muchirwa nechivi;
- 5 uye makakanganwa kurudziro inokurukura kwamuri sekuvana ichiti: Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, kana kupera simba kana uchitsiurwa naye.
- 6 Nokuti Ishe anoranga waanoda, nekushapura mwanakomana umwe neumwe waanogamuchira.
- 7 Kana muchitsunga pakurangwa, Mwari anokubatai sevanakomana; nokuti mwanakomana ndeupi baba wavasingarangi?
- 8 Asi kana musina kurangwa, pavanoitwa vagovani vese, naizvozvo muri vana veupombwe, uye kwete vanakomana.
- 9 Uyezve takambova nemadzibaba enyama yedu aidzora, uye tikavakudza; ko, hatingazviisi zvikurusa pasi paBaba vemweya tigorarama here?
- 10 Nokuti ivo zvimwe vakatiranga kwemazuva mashoma, semaonero avo; asi iye anotirangira kubatsirwa, kuti tigoverane utsvene hwake.
- 11 Zvino kuranga kwese kunoenda pakuvapo hakuratidzi sekwekufadza, asi kwekushungurudza; zvakadaro pashure kunobereka zvibereko zverugare zvakarurama kune vakarovedzwa mazviri.
- 12 Naizvozvo simbisai maoko akaremberera pasi nemabvi asina simba;
- 13 uye gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi panzvimbo yeizvozvo chiporeswe.
- 14 Tevererai rugare nevese, neutsvene, kunze kwezvizvi hakuna munhu achaona Ishe.
- 15 Muchichenjerera kuti kurege kuva nemunhu anokundikana panyasha dzaMwari; kuti zvimwe mudzi wekuvava urege kukura kuzopa dambudziko, uye nawo vazhinji vasvibiswe;
- 16 ngakurege kuva neumwe anova mhombwe kana asina hanya naMwari, saEsau, wakatengesa udangwe hwake nekudya kumwe.
- 17 Nokuti munoziva kuti pashurewo, oda kugara nhaka yekuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yekutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.
- 18 Nokuti hamuna kuuya kugomo ringabatwa, nerinopfuta moto, uye kurima, nekusviba, nekudutu remhepo,
- 19 uye kurira kwehwamanda, nenzwi remashoko; iro ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rirege kuchitaurwa kwavari;
- 20 nokuti vakakonewa kutakura icho chakange charairwa, chekuti: Kana kunyange mhuka ikabata gomo, ichatakwa nemabwe, kana kufurwa nemuseve;
- 21 uye, chakaonekwa chaityisa kudai, Mozisi wakati: Ndinovhunduka, ndinodedera.
- 22 Asi mauya kugomo reZiyoni, nekuguta raMwari mupenyu, kuJerusarema rekudenga, nekumazana evatumwa vasingaverengeki,
- 23 kuungano huru nekereke yematangwe akanyorwa kumatenga, nekuna Mwari mutongi wevese, nekumweya yevakarurama vakapereredzwa,
- 24 nekuna Jesu murevereri wesungano itsva, nekuropa rekusasa, rinotaura zvinhu zviri nani pane raAbhero.
- 25 Chenjerai kuti murege kuramba uyo anotaura. Nokuti kana vasina kupukunyuka ivo vakaramba iye wakataura panyika zvinobva kuna Mwari, zvikuru sei isu kana tichifuratira iye anobva kumatenga;
- 26 iye inzwi rake rakazungunusa nyika nguva iyo, asi ikozvino wakavimbisa, achiti: Kamwe chetezve ini ndichazungunusa kwete nyika chete, asi nedenga.
- 27 Uye izvi zvekuti: Kamwe chetezve, zvinoratidza kutamiswa kwezvinhu zvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti zvisingazungunuki zvigare.
- 28 Naizvozvo zvatinogamuchira ushe husingazununguswi, ngative nenyasha dzatingashumira nadzo Mwari zvinogamuchirika pamwe nekukudza nekutya Mwari.
- 29 Nokutiwo Mwari wedu moto unoparadza.