히브리서 9장 쇼나
- 1 Naizvozvowo zvirokwazvo sungano yekutanga yakange ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.
- 2 Nokuti tabhenakeri yakagadzirwa, yekutanga maiva nechigadziko chemwenje netafura nezvingwa zvekuratidza, ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.
- 3 Zvino seri kwevheiri rechipiri kwakange kune tabhenakeri yainzi nzvimbo tsvene yedzitsvene,
- 4 yakange ine mudziyo wegoridhe wezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neareka yesungano yakange yakanamwa nhivi dzese negoridhe, maiva nehari yegoridhe yakange ine mana, netsvimbo yaAroni yakatunga, nemaheandefa esungano;
- 5 nepamusoro payo makerubhi ekubwinya, akadzikatira nzvimbo yetsitsi; zvatisingarondedzeri tichiita chimwe chimwe ikozvino.
- 6 Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda nguva dzese mutabhenakeri yekutanga, vachipedzeredza mabasa ekushumira Mwari;
- 7 asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari ega kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibairira iye pachake nezvitadzo zvevanhu;
- 8 Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira yenzvimbo tsvene yakange isati yataridzwa, tabhenakeri yekutanga ichimire;
- 9 yakange iri mufananidzo wenguva iyoyo, paibairwa zvese zvipo nezvibairo, zvisingagoni kupedzeredza maererano nehana iye anoshumira;
- 10 zvinongova zvekudya nezvinwiwa nekushamba kwakasiyana-siyana nezviga zvenyama, zvakaiswa pamusoro pavo kusvikira panguva yekururamisa.
- 11 Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, kubudikidza netabhenakeri yakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, isina kuitwa nemaoko, ndiko kuti isati iri yekusikwa kuno,
- 12 uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi.
- 13 Nokuti kana ropa renzombe nerembudzi, nemadota etsiru zvichisasa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakuchenurwa panyama,
- 14 zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu?
- 15 Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi.
- 16 Nokuti pane rugwaro rwenhaka, panofanira kukumikidzwa rufu rwaiye wakaita rugwaro rwenhaka.
- 17 Nokuti rugwaro rwenhaka rwune simba kune vakafa, sezvo rwusingatongovi nesimba kana wakaita rugwaro rwenhaka achiri mupenyu.
- 18 Naizvozvo kunyange yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.
- 19 Nokuti zviga zvese zvakati zvataurwa kuvanhu vese naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, pamwe nemvura nemakushe matsvuku, nehisopi*, akasasa zvese bhuku pacharo nevanhu vese,
- 20 achiti: Iri iropa resungano Mwari yaakakurairai.
- 21 Saizvozvowo wakasasa neropa zvese tabhenakeri nemidziyo yese yekushumira.
- 22 Zvino zvinhu zvinenge zvese maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro.
- 23 Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi, asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibairo zvakanaka kupfuura izvi.
- 24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, iri mifananidzo yezvechokwadi, asi wakapinda kudenga pachake, kuti ikozvino aonekerwe isu pachiso chaMwari;
- 25 uye kwete kuti azvibaire kazhinji, semupristi mukuru anopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;
- 26 dai zvakange zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene.
- 27 Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, uye shure kwezvizvi kutongwa;
- 28 saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.