야고보서 1장 쇼나
- 1 Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.
- 2 Zvitorei semufaro wese, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana,
- 3 muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;
- 4 asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.
- 5 Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vese, uye asingatuki, zvino achadzipiwa.
- 6 Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.
- 7 Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.
- 8 Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzese.
- 9 Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;
- 10 nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.
- 11 Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.
- 12 Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana atendwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda.
- 13 Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.
- 14 Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezwa.
- 15 Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
- 16 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
- 17 Chipo chese chakanaka nechipiwa chese chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.
- 18 Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
- 19 Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;
- 20 nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
- 21 Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvese nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.
- 22 Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.
- 23 Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;
- 24 nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.
- 25 Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.
- 26 Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.
- 27 Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.