야고보서 4장 쇼나
- 1 Dzinobvepi hondo nekurwa pakati penyu? Hazvibvi apa here, pakuchiva kwenyu kunorwa pamitezo yenyu?
- 2 Munoshuva, asi hamuna chinhu; munouraya uye munoshumba, asi hamugoni kuwana chinhu; munorwa muchiita hondo, asi hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri.
- 3 Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muparadze pakuchiva kwenyu.
- 4 Imwi mhombwe nemhombwekadzi, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika ruvengo kuna Mwari? Naizvozvo umwe neumwe anoda kuva shamwari yenyika, anova muvengi waMwari.
- 5 Kana munofunga kuti rugwaro rwunotaura pasina maturo here kuti: Mweya wakagara mukati medu anochivira godo?
- 6 Asi anopa nyasha huru; saka anoti: Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.
- 7 Naizvozvo muzviise pasi kuna Mwari; pikisai dhiabhorosi, zvino achakutizai.
- 8 Swederai kuna Mwari, naiye achaswedera kwamuri; shambai maoko, vatadzi, uye muchenure moyo, imwi vemoyo miviri.
- 9 Tambudzikai uye chemai uye rirai; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nemufaro uve kusuruvara.
- 10 Zvininipisei pamberi paIshe, uye achakusimudzai.
- 11 Musareverana zvakaipa, hama. Anorevera hama zvakaipa uye kutonga hama yake, anorevera murairo zvakaipa, nekutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hausi muiti wemurairo, asi mutongi.
- 12 Umwe chete ndiye mutemi wemurairo, anogona kuponesa nekuparadza; iwe ndiwe ani anotonga umwe?
- 13 Uyai ikozvino imwi munoti: Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rekuti, tigogarako gore rimwe, tigotengeserana, tigowana mubairo;
- 14 imwi musingazivi zvamangwana. Nokuti upenyu hwenyu chii? Nokuti imhute inoonekwa nguva diki, ipapo ndokunyangarika.
- 15 Pakuti muti: Kana Ishe achida, tichararamawo, tigoita ichi kana icho.
- 16 Asi ikozvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwese kwakadai kwakaipa.
- 17 Naizvozvo anoziva kuita zvakanaka asingazviiti, chivi kwaari.