베드로전서 2장 쇼나
- 1 Naizvozvo bvisai uipi hwese nemano-mano ese neunyepedzeri negodo neucheri hwese,
- 2 savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kunyengera wakarongeka, kuti mukure nawo;
- 3 zvimwe kana makaravira kuti Ishe ane moyo munyoro.
- 4 Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi pana Mwari rakasarudzwa, rinokosha,
- 5 imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubaire zvibairo zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.
- 6 Naizvozvo murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe repakona, rakasanangurwa, rinokosha; neanotenda kwaari haangatongonyadziswi.
- 7 Naizvozvo kwamuri munotenda anokosha; asi kune vasingateereri: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona,
- 8 uye ibwe rekugumbusa nedombo rekupinga; vanogumburwa pashoko vasingariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo.
- 9 Asi imwi muri dzinza rakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakawanikwa, kuti muparidze kwese kunaka kwaiye wakadana imwi kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa;
- 10 imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; makange musina kunzwirwa tsitsi, asi ikozvino manzwirwa tsitsi.
- 11 Vadiwa, ndinokukumbirisai sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nemweya;
- 12 mune mufambiro wenyu wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, pamabasa akanaka avanoona varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa.
- 13 Naizvozvo muzviise pasi pechimiso chimwe nechimwe chevanhu nekuda kwaIshe; kana ari mambo, saiye anotonga;
- 14 kana kuvatungamiriri, sekune vakatumwa naye pakurangwa zvirokwazvo kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka.
- 15 Nokuti ndizvo zvinoita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwevanhu mapenzi;
- 16 sevakasununguka, asi musava nekusungunuka sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari.
- 17 Kudzai vese. Idai ukama. Ityai Mwari. Kudzai mambo.
- 18 Varanda, zviisei pasi pemadzitenzi nekutya kwese, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama.
- 19 Nokuti idzi inyasha, kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira kurwadziwa, achitambudzika zvisakafanira.
- 20 Nokuti zvine rumbidzo yei, kana muchitadza ndokurohwa muchitsungirira? Asi kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvi inyasha kuna Mwari.
- 21 Nokuti makadanirwa izvi, nokuti Kristuwo wakatambudzikira isu, akasiira isu muenzaniso, kuti mutevere makwara ake;
- 22 iye asina kuita chivi, nekunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make;
- 23 iye wakati achituka haana kutukawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune anotonga zvakarurama;
- 24 iye amene wakatakura zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti tafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake.
- 25 Nokuti makange makaita semakwai akarasika; asi ikozvino madzokera kuMufudzi neMutariri wemweya yenyu.