베드로전서 4장 쇼나
- 1 Naizvozvo Kristu zvaakatitamburira panyama, nemwi muzvishongedze nemurangariro wakadaro; nokuti iye watambudzika panyama, aregedzwa pachivi;
- 2 kuti nguva yasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari.
- 3 Nokuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba mukusazvibata, kuchiva, kuraradza, makaro, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisingatenderwi;
- 4 zvavanoshamisika mazviri, kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kumwe kwenyonga-nyonga, vachikutukai;
- 5 vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.
- 6 Nokuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa kune vakafawo, kuti vatongwe zvinoenderana nevanhu panyama, asi vararame zvinoenderana naMwari pamweya.
- 7 Zvino kuguma kwezvinhu zvese kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero.
- 8 Uye mberi kwezvinhu zvese ivai nerudo rwunopfuta pakati penyu, nokuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji-zhinji.
- 9 Gamuchiranai, pasina kunyunyuta.
- 10 Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha dzakasiyana-siyana dzaMwari.
- 11 Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
- 12 Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa uri pamuri unokuidzai, sezvinonzi mawirwa nechisingazikanwi;
- 13 asi sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, farai, kuti nepakuratidzwa kwekubwinya kwake mufare nemufaro mukurusa.
- 14 Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nokuti Mweya wekubwinya newaMwari agere pamusoro penyu; kwavari zvirokwazvo anonyombwa, asi kwamuri anokudzwa.
- 15 Asi kusava neumwe wenyu anotambudzika semhondi, kana mbavha, kana muiti wezvakaipa, kana anongongwarira zvevamwe;
- 16 asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari pachinhu ichi.
- 17 Nokuti yava nguva yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei?
- 18 Uye kana wakarurama achiponeswa nemutsutsururu, asingadi Mwari nemutadzi vachaonekwepi?
- 19 Naizvozvo naivo vanotambudzika zvinoenderana nechido chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo pakuita zvakanaka.