베드로후서 2장 쇼나
- 1 Asi kwaiva nevaporofita venhemawo pakati pevanhu, sezvakuchavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu, vachapinza pachivande kutsauka kunoparadza, vachiramba kunyange Ishe wakavatenga, vachizviwisira kuparara kunokurumidza.
- 2 Vazhinjiwo vachatevera kuparadzwa kwavo; nekuda kwavo nzira yechokwadi ichanyombwa.
- 3 Uye pakuchiva namashoko akaumbwa vachawana mubairo nemwi; kutongwa kwavo kwakare hakunonoki, nekuparadzwa kwavo hakutsumwairi.
- 4 Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira mugehena achivakumikidza kumaketeni erima kuti vachengeterwe mutongo;
- 5 uye haana kurega nyika yekare, asi wakachengetedza Nowa muparidzi wekururama nevamwe vanomwe, paakauisa mafashame panyika yevasingadi Mwari;
- 6 nekuroromesa maguta eSodhoma neGomora, akaatongera kuparadzwa, akaaita chive chiratidzo kune vachazogara vasingadi Mwari;
- 7 akanunurawo Roti wakarurama, wakazvidya moyo pakuzvibata mukunyangadza kwevakaipa;
- 8 (nekuti uyo wakarurama, agere pakati pavo, pakuona nekunzwa, wakarwadzisa kwazvo mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe nemabasa asina murairo).
- 9 Ishe anoziva kununura vanonamata Mwari kubva pamiedzo, nekuchengeta vasakarurama kusvika pazuva rekutongwa vachirangwa;
- 10 asi zvikuru ivo vanofamba nemutoo wenyama paruchiva rwetsvina, nekuzvidza utongi. Vasina hanya, vane nharo, vasingatyi kutuka vanokudzwa;
- 11 izvo vatumwa, vanopfuura pakugona nesimba, havauyisi pavari mutongo wekunyomba pamberi paIshe.
- 12 Asi ava, vakaita semhuka pachisikirwo dzisina fungwa dzakaberekerwa kubatwa nekuparadzwa, vanotuka zvavasingazivi, vachaparadzwa pakuora kwavo,
- 13 vachagamuchira mubairo wekusarurama, vanoti mafaro kuita umbozha masikati, ivo makwapa nechinyadzo, vanofara mukunyengera kwavo kana vari pamabiko nemwi,
- 14 vane meso azere neupombwe, nevasingaregi chivi, vanonyengera mweya isina simba, vane moyo wakarovedzwa kuchiva; vana vechakatukwa;
- 15 vasiya nzira yakarurama vakatsauka, vatevera nzira yaBharami waBhosori, wakada mubairo wekusarurama,
- 16 asi wakava nekutsiurwa kwekudarika kwake, mbongoro chimumumu ichitaura muinzwi remunhu, chikadzivisa upengo hwemuporofita.
- 17 Iva zvitubu zvisina mvura, makore anosundwa nedutu remhepo; ivo vakachengeterwa mhute yerima kusvikira kusingaperi.
- 18 Nokuti vachitaura zvekuzvikudza kusina maturo, vanokwezva neruchiva rwenyama neunzenza avo vakapukunyuka zvirokwazvo kune vanofamba mukutsauka;
- 19 vachivavimbisa rusununguko, ivo pachavo varanda vekuora; nokuti uyo umwe waakundwa naye, ndiyewo waanoitwa muranda kwaari.
- 20 Nokuti kana vapukunyuka patsvina yenyika kubudikidza neruzivo rwaIshe neMuponesi Jesu Kristu, vanopfekanidzwazve mazviri vachikundwa, zvinhu zvekuguma zvigova kwavari zvakaipa kupfuura zvekutanga.
- 21 Nokuti zvaiva nani kwavari kuti dai vaiva vasina kuziva nzira yekururama, pakuti vaziva vadzoke kubva pamurairo mutsvene wakakumikidzwa kwavari.
- 22 Asi zvakaitika kwavari zvedimikira rechokwadi zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo pachayo; nehadzi yenguruve yakange yashamba kukuvumburuka mumatope.