요한일서 2장 쇼나
- 1 Vana vangu vadiki, zvinhu izvi ndinokunyorerai, kuti musatadza. Uye kana umwe achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama;
- 2 uye iye muripo wekuyananisa wezvivi zvedu; kwete wezvedu chetewo, asiwo wezvenyika yese.
- 3 Uye mune izvi tinoziva kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
- 4 Uyo anoti: Ndinomuziva, asi asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, nemaari chokwadi hachimo;
- 5 asi ani nani anochengeta shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Naizvozvi tinoziva kuti tiri maari.
- 6 Uyo anoti anogara maari iye anofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iyewo.
- 7 Hama, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo mutsaru, wamakange munawo kubva pakutanga; murairo mutsaru ishoko ramakanzwa kubva pakutanga.
- 8 Ndinopamha kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nokuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chadovhenekera.
- 9 Uyo anoti ari muchiedza, achivengawo hama yake, ari murima kusvikira zvino.
- 10 Uyo anoda hama yake anogara muchiedza, uye hapana chigumbuso maari.
- 11 Asi uyo anovenga hama yake ari murima, uye anofamba murima, haaziviwo kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
- 12 Ndinonyorera imwi, vana vadiki, nokuti zvivi makazvikanganwirwa nekuda kwezita rake.
- 13 Ndinonyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva uripo kubva pakutanga. Ndinonyorera imwi, vadiki, nokuti makakunda wakaipa. Ndinonyorera imwi, vanana, nokuti makaziva Baba.
- 14 Ndanyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, vadiki, nokuti makasimba, uye shoko raMwari rinogara mamuri uye makakunda wakaipa.
- 15 Musada nyika, kana zvinhu zviri munyika. Kana umwe achida nyika, rudo rwaBaba harwusi maari.
- 16 Nokuti zvese zviri munyika, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwameso, nekuzvikudza kweupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva panyika.
- 17 Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi.
- 18 Vana vadiki, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu anouya, naikozvino vazhinji vava vapikisi vaKristu; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira.
- 19 Vakabuda kwatiri, asi vakange vasiri vanobva kwedu, nokuti dai vaibva kwedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti havasi vese vanobva kwedu.
- 20 Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kune Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvese.
- 21 Handina kukunyorerai nokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakutongorina nhema dzingabva pachokwadi.
- 22 Ndiani murevi wenhema, kunze kwaiye anoramba kuti Jesu ndiKristu? Iye mupikisi waKristu, anoramba Baba neMwanakomana.
- 23 Ani nani anoramba Mwanakomana haanawo Baba; anobvuma Mwanakomana ana Babawo.
- 24 Zvino imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri. Kana zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, imwiwo muchagara muMwanakomana nemuna Baba.
- 25 Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi.
- 26 Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pevanokutsausai.
- 27 Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti umwe akudzidzisei; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvese, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari.
- 28 Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake.
- 29 Kana muchiziva kuti wakarurama, munoziva kuti umwe neumwe anoita zvakarurama wakaberekwa naye.