요한삼서 1장 쇼나
- 1 Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.
- 2 Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira.
- 3 Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.
- 4 Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.
- 5 Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni,
- 6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.
- 7 Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.
- 8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.
- 9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.
- 10 Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.
- 11 Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
- 12 Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.
- 13 Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
- 14 asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.