요한삼서 1장 쇼나

  1. 1 Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.
  2. 2 Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira.
  3. 3 Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.
  4. 4 Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.
  5. 5 Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni,
  6. 6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.
  7. 7 Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.
  8. 8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.
  9. 9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.
  10. 10 Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.
  11. 11 Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
  12. 12 Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.
  13. 13 Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
  14. 14 asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.