요한계시록 1장 쇼나
- 1 Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika, zvino azvituma nemutumwa wake wakaratidza muranda wake Johwani,
- 2 iye wakapupura shoko raMwari uye uchapupu hwaJesu Kristu, nezvese zvaakaona.
- 3 Wakaropafadzwa anoverenga, nevanonzwa mashoko echiporofita ichi vachichengeta zvakanyorwa machiri; nokuti nguva yava pedo.
- 4 Johwani kumakereke manomwe ari muAsia: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna iye aripo uye wakange aripo neachazouya; nekuMweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;
- 5 nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kubva kune vakafa, nemutungamiriri wemadzimambo enyika. Kuna iye wakatida, akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;
- 6 akatiitawo madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake; kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
- 7 Tarira, anouya pamwe nemakore, uye ziso rese richamuona, neavo vakamubaya; nemarudzi ese enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.
- 8 Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newakange aripo, neachazouya, Wemasimbaose.
- 9 Ini Johwani, ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika nemuushe nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndakange ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nekuda kweshoko raMwari uye nekuda kweuchapupu hwaJesu Kristu.
- 10 Ndakange ndiri muMweya nezuva raIshe, zvino ndakanzwa shure kwangu inzwi guru, serehwamanda,
- 11 richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira; uye kuti: Zvaunoona, nyora mubhuku, uye tumira kumakereke manomwe ari muAsia, kuEfeso, nekuSimirina, nekuPerigamo, nekuTiatira, nekuSaridhisi, nekuFiradhefia, nekuRaodhikia.
- 12 Zvino ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Ndatendeukawo ndakaona zvigadziko zvemwenje zvegoridhe zvinomwe,
- 13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akapfeka nguvo yakasvikira kutsoka, uye akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire regoridhe.
- 14 Nemusoro wake nemavhudzi zvakachena semakushe emakwai machena, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;
- 15 uye tsoka dzake dzakafanana nendarira yakakwenenzverwa, sedzinenge dzakapiswa muvira remoto; neinzwi rake seinzwi remvura zhinji.
- 16 Uye wakange ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro.
- 17 Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira;
- 18 uye mupenyu; ndakange ndakafawo, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu.
- 19 Nyora zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kweizvi.
- 20 Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.