요한계시록 12장 쇼나
- 1 Zvino kwakaonekwa chiratidzo chikuru kudenga, mukadzi akapfeka zuva, nemwedzi uri pasi petsoka dzake, nepamusoro wake korona yenyeredzi gumi nembiri;
- 2 uye wakange ane pamuviri, akadanidzira achirwadziwa nemimba, uye achitambudzwa kupona.
- 3 Zvino kwakaonekwa chimwe chiratidzo kudenga, tarirawo, zibukanana ziguru zidzvuku, rine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamisoro yaro korona nomwe.
- 4 Zvino muswe waro wakakweva chetatu chenyeredzi dzekudenga, ndokudzikandira panyika; zibukanana ndokumira pamberi pemukadzi wakange oda kupona, kuti kana apona, agoparadza mwana wake.
- 5 Zvino wakapona mwana mukomana, wakange oda kufudza marudzi ese netsvimbo yedare; mwana wake ndokubvutirwa kuna Mwari nekuchigaro chake cheushe.
- 6 Zvino mukadzi akatizira kurenje, kwaakange ane nzvimbo yakagadzirwa kubva kuna Mwari, kuti vamuriritira ipapo mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu.
- 7 Zvino kukava nehondo kudenga; Mikaeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana ndokurwa rine vatumwa varo;
- 8 asi havana kukunda, uye nzvimbo yaro haina kuzowanikwa zvekare kudenga.
- 9 Zvino zibukanana ziguru rakakandwa, nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi uye Satani, anonyengera nyika yese; wakakandirwa panyika, nevatumwa vake vakakandwa pamwe naye.
- 10 Zvino ndakanzwa inzwi guru richiti kudenga: Ikozvino ruponeso rwasvika, nesimba, neushe hwaMwari wedu, neumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi, anovapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku.
- 11 Zvino ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko reuchapupu hwavo, uye havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.
- 12 Naizvozvi farai, matenga nemwi munogara maari. Mune nhamo vagari venyika negungwa, nokuti dhiabhorosi wakaburukira kwamuri ane kutsamwa kukuru, nokuti anoziva kuti ane nguva diki.
- 13 Zvino zibukanana rakati raona kuti rakandirwa panyika, rakashusha mukadzi wakapona murume.
- 14 Zvino kumukadzi kwakapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanonoriritirwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, abve pauso hwenyoka.
- 15 Zvino nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo yakaita serwizi shure kwemukadzi kuti imukonzerese kukukurwa nerwizi.
- 16 Zvino nyika yakabatsira mukadzi, nyika ndokushamisa muromo wayo, ikamedza rwizi zibukanana rwarakabudisa mumuromo maro.
- 17 Zvino zibukanana rakatsamwira mukadzi, rikaenda kunoita hondo nevakasara vembeu yake, vanochengeta mirairo yaMwari, vane uchapupu hwaJesu Kristu.