요한계시록 14장 쇼나
- 1 Zvino ndakaona, uye tarira, Gwayana ramira pagomo Ziyoni, uye rine zvuru zana nemakumi mana nevana, vane zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.
- 2 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, uye senzwi remutinhiro mukuru; ndikanzwawo inzwi revaridzi veudimbwa vachiridza udimbwa hwavo.
- 3 Zvino vakaimba serwiyo rutsva pamberi pechigaro cheushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, nevakuru; uye hakuna wakagona kudzidza rwiyo, kunze kwezvuru zana nemakumi mana nevana, vakatengwa munyika.
- 4 Ava ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nokuti imhandara. Ava ndivo vanotevera Gwayana kupi zvako kwarinoenda. Ava vakatengwa kubva pavanhu, zvibereko zvekutanga kuna Mwari nekuGwayana.
- 5 Uye mumuromo wavo hamuna kuwanikwa kunyengera, nokuti havana chavanopomerwa pamberi pechigaro cheushe chaMwari.
- 6 Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuparidzira vanogara panyika, nekurudzi rwese, nedzinza, nerurimi, nevanhu.
- 7 Achiti nenzwi guru: Ityai Mwari, uye mupe rumbidzo kwaari, nokuti nguva yemutongo wake yasvika; uye namatai iye wakaita denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.
- 8 Zvino umwe mutumwa wakatevera achiti: Rawa, rawa, Bhabhironi, guta guru, nokuti rakapa marudzi ese kunwa zvewaini yekutsamwa kweupombwe hwaro.
- 9 Zvino mutumwa wechitatu wakavatevera, achiti nenzwi guru: Kana pane umwe anonamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira mucherechedzo pahuma yake, kana paruoko rwake,
- 10 ndiyewo achanwa zvewaini yekutsamwa kwaMwari, yakadururwa mumukombe wekutsamwa kwake, isina kuvhenganiswa; uye acharwadziswa mumoto uye sarufa pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwayana.
- 11 Zvino utsi hwekurwadziwa kwavo hunokwira kusvikira rinhi narinhi; uye havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, uye kana pane anogamuchira mucherechedzo wezita racho.
- 12 Hekuno kutsungirira kwevatsvene, hevano vanochengeta mirairo yaMwari nerutendo rwaJesu.
- 13 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna Ishe kubva ikozvino. Hongu, anoreva Mweya, kuti vazorore pakushingaira kwavo; nemabasa avo anotevera pamwe navo.
- 14 Zvino ndakaona, uye tarira, gore jena, nepamusoro pegore pakagara wakaita seMwanakomana wemunhu, ane korona yegoridhe pamusoro wake, neparuoko rwake jeko rinopinza.
- 15 Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere, achidanidzira nenzwi guru kuna iye wakange agere pamusoro pegore, achiti: Pinza jeko rako ugokohwa; nokuti nguva yekukohwa yakusvikira, nokuti kukohwa kwenyika kwaibva.
- 16 Zvino wakange agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ndokukohwewa.
- 17 Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, iyewo ane jeko rinopinza.
- 18 Neumwe mutumwa akabuda muaritari, ane simba pamusoro pemoto, akadanidzira nekudana kukuru kuna iye wakange ane jeko rinopinza, achiti: Tuma jeko rako rinopinza, ugounganidza masumbu emuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.
- 19 Zvino mutumwa wakakandira jeko rake panyika, ndokuunganidza mazambiringa enyika, akakandira muchisviniro chewaini chikuru chekutsamwa kwaMwari.
- 20 Uye chisviniro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chewaini kusvikira pamatomu amabhiza, kubva kumastadhia* churu mazana matanhatu.