요한계시록 17장 쇼나
- 1 Zvino kwakauya umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe, ndokutaura neni, achiti kwandiri: Uya pano, ndicharatidza kwauri mutongo wemhombwe huru igere pamusoro pemvura zhinji;
- 2 madzimambo enyika aakaita upombwe nayo, nevagari vepanyika vakadhakiswa newaini yeupombwe hwayo.
- 3 Zvino wakandisengera kurenje mumweya, uye ndakaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere nemazita ekunyomba, chine misoro minomwe nenyanga gumi.
- 4 Zvino mukadzi wakange akamonera zvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye akashonga goridhe nemabwe anokosha nemaparera*, ane mukombe wegoridhe muruoko rwake uzere nezvinosemesa netsvina yeupombwe hwake.
- 5 Nepahuma yake pakange pakanyorwa zita rekuti: CHAKAVANZIKA, BHABHIRONI GURU, MAI VEMHOMBWE NEZVINOSEMESA ZVENYIKA.
- 6 Zvino ndakaona mukadzi akararadza neropa revatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu. Zvino ndakati ndamuona ndikashamisika nekushamisika kukuru.
- 7 Zvino mutumwa akati kwandiri: Washamisika nei? Ini ndichakuudza chakavanzika chemukadzi, nechechikara chinomutakura, chine misoro minomwe nenyanga gumi.
- 8 Chikara chawakaona, chaivapo, uye chisipo; uye choda kukwira chichibva mugomba risina chigadziko, chichienda mukuparadzwa; uye vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku reupenyu kubva pakuvambwa kwenyika vachashamisika vachiona chikara chaivapo uye chisipo, kunyange chiripo.
- 9 Zvino heino fungwa ine njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe mukadzi paagere pamusoro pawo,
- 10 uye ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, uye umwe aripo, umwe haasati asvika; uye kana achisvika, anofanira kugara chinguvana.
- 11 Uye chikara chaivapo, uye chisipo, ndiyewo werusere, uye anobva pavanomwe, uye anoenda mukuparadzwa.
- 12 Nenyanga gumi dzawaona, ndiwo madzimambo gumi, asati agamuchira ushe, asi achagamuchira simba semadzimambo pamwe nechikara awa rimwe.
- 13 Ava vane fungwa imwe, uye vanopa simba neutongi hwavo kuchikara.
- 14 Ava vacharwa neGwayana, uye Gwayana richavakunda, nokuti ndiIshe wemadzishe naMambo wemadzimambo; nevanaro ndevakadanwa nevakasarudzwa nevakatendeka.
- 15 Zvino akati kwandiri: Mvura yawaona, pagere mhombwe, ndivo vanhu nezvaunga nemarudzi nendimi.
- 16 Uye nyanga gumi dzawaona pamusoro pechikara, avo vachavenga mhombwe, uye vachaiparadza nekuifukura, uye vachadya nyama yayo, nekuipisa nemoto.
- 17 Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite fungwa yake, vaite fungwa imwe, nekupa chikara ushe hwavo, kusvikira mashoko aMwari apedzeredzwa.
- 18 Zvino mukadzi wawaona ndiro guta guru, rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.