요한계시록 21장 쇼나
- 1 Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvakange zvapfuura, uye gungwa rakange risisipo.
- 2 Zvino ini Johwani ndakaona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kuna Mwari kubva kudenga, rakagadzirirwa semwenga wakashongedzerwa murume wake.
- 3 Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva kudenga, richiti: Tarira, tabhenakeri yaMwari iri pavanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake; naMwari amene achava navo, ari Mwari wavo.
- 4 Zvino Mwari achapusika misodzi yese kubva pameso avo, nerufu haruchazovipo, kana kushungurudzika, kana kurira, kana kurwadziwa hakungachavipo; nokuti zvinhu zvekutanga zvapfuura.
- 5 Zvino agere pachigaro cheushe wakati: Tarira, ndinoita zvinhu zvese zvive zvitsva. Ndokuti kwandiri: Nyora; nokuti mashoko awa ndeechokwadi uye akatendeka.
- 6 Zvino akati kwandiri: Zvaitika. Ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira. Ini ndichapa kuna iye ane nyota zvinobva pachitubu chemvura yeupenyu pachena.
- 7 Anokunda achagara nhaka yezvinhu zvese; uye ndichava Mwari wake, naiye achava mwanakomana wangu.
- 8 Asi vanotya, nevasingatendi, nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevese varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nemoto nesarufa; rwunova rufu rwechipiri.
- 9 Zvino kwakauya kwandiri umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira, akataura neni, achiti: Uya pano ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.
- 10 Zvino wakanditakurira muMweya kugomo guru uye refu, akandiratidza guta guru, Jerusarema dzvene, richiburuka kubva kudenga kubva kuna Mwari,
- 11 rine kubwinya kwaMwari; uye chiedza charo chakaita sebwe rinokoshesesa, sebwe rejasipisi*, rinonjenjemera sekrisitaro*;
- 12 uye rakange rine rusvingo rukuru uye rurefu, rine masuwo gumi nemaviri, nevatumwa gumi nevaviri pamusuwo, nemazita akanyorwa pamusoro, ari emarudzi gumi nemaviri evana vaIsraeri.
- 13 Kumabvazuva masuwo matatu; kumaodzanyemba masuwo matatu; kuchamhembe masuwo matatu; nekumavirira masuwo matatu;
- 14 zvino rusvingo rweguta rwakange rwune nheyo gumi nembiri, nepadziri mazita evaapositori gumi nevaviri veGwayana.
- 15 Zvino wakataura neni wakange ane rutsanga rwegoridhe, kuti ayere guta, namasuwo aro, nerusingo rwaro.
- 16 Zvino guta rakange rakamiswa rakaenzana mativi mana, nekureba kwaro kwakakura kudai sekufara; ndokuyera guta nerutsanga, rikasvika pamastadhia* zvuru gumi nezviviri; kureba nekufara nekukwirira kwaro zvakaenzana.
- 17 Zvino wakayera rusvingo rwaro, mbimbi zana nemakumi mana nemana, chiyero chemunhu, chinova chemutumwa.
- 18 Uye maiva nechivakwa cherusvingo rwaro, jasipisi, uye guta riri goridhe rakakwana, rakafanana negirazi rakachenesesa.
- 19 Nenheyo dzerusvingo rweguta dzakashongedzwa nebwe rimwe nerimwe rinokosha. Nheyo yekutanga ijasipisi, yepiri isafiri*, yetatu ikarikidhoni*, yechina iemaradhi*,
- 20 yeshanu isaridhonikisi*, yetanhatu isaridhio*, yechinomwe ikrisoriti*, yerusere bheriri*, yepfumbamwe topasi*, yegumi kirisopirasi*, yegumi neimwe hiasindi*, yegumi nembiri ametesiti*.
- 21 Zvino masuwo gumi nemaviri maparera gumi nemaviri; rimwe nerimwe remasuwo rakange riri reparera rimwe; uye nzira yemuguta igoridhe rakakwana segirazi rinonjenjemera.
- 22 Zvino handina kuona tembere mukati marwo, nokuti Ishe Mwari Wemasimbaose itembere yarwo, neGwayana.
- 23 Zvino guta harishaiwi zuva kana mwedzi kuvhenekera mariri; nokuti kubwinya kwaMwari kunorivhenekera, nemwenje waro iGwayana;
- 24 zvino marudzi evanoponeswa achafamba muchiedza charo, nemadzimambo enyika achauisa kubwinya nerukudzo rwawo mariri.
- 25 Zvino masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo.
- 26 Uye vachauisa kubwinya nerukudzo rwendudzi mariri.
- 27 Uye hamungatongopindi chero chinhu chinosvibisa mariri, uye chinosemesa, uye nhema; asi vakanyorwa mubhuku reupenyu reGwayana.