마태복음 15장 쇼나
- 1 Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori neVaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti:
- 2 Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika yevakuru? Nokuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa.
- 3 Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika yenyu?
- 4 Nokuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.
- 5 Asi imwi munoti: Ani nani anoti kuna baba kana kuna mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibairo,
- 6 naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika yenyu.
- 7 Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti:
- 8 Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni.
- 9 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu.
- 10 Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise.
- 11 Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.
- 12 Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti VaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here?
- 13 Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kudzvara chichadzurwa.
- 14 Varegei; vatungamiriri vakapofumara vemapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri.
- 15 Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu.
- 16 Zvino Jesu akati: Imwiwo muchiri vasinganzwisisi nhai?
- 17 Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvese zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, uye zvinoraswa kunze?
- 18 Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu.
- 19 Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba.
- 20 Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu.
- 21 Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni.
- 22 Zvino tarira, mukadzi muKenani wakabva kumiganhu iyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni.
- 23 Asi haana kumupindura shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nokuti anodanidzira shure kwedu.
- 24 Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarasika eimba yaIsraeri.
- 25 Zvino akauya akamunamata achiti: Ishe, ndibatsirei.
- 26 Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana.
- 27 Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.
- 28 Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyo.
- 29 Jesu ndokubva ipapo akauya parutivi rwegungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo.
- 30 Zvino zvaunga zvikuru zvakauya kwaari zvine mhetamakumbo, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa;
- 31 zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri.
- 32 Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handidi kuvaindisa vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.
- 33 Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai?
- 34 Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove diki shomanene.
- 35 Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu.
- 36 Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga.
- 37 Vakadya vese vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere.
- 38 Zvino avo vakadya vakange vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana.
- 39 Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara.