마가복음 2장 쇼나
- 1 Zvino wakapindazve muKapenaume pashure pemazuva; zvikanzwikwa kuti ari mumba.
- 2 Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.
- 3 Vakauya kwaari, vakauisa wakange akafa mitezo, akatakurwa nevanhu vana.
- 4 Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varidzura vakaburusira hwanyanza hwaakange arere pahuri iye wakange akafa mitezo.
- 5 Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri.
- 6 Zvino vamwe vevanyori vakange vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:
- 7 Uyu anotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?
- 8 Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo wakati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?
- 9 Chii chakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri; kana kuti: Simuka, utore hwanyanza hwako, ufambe?
- 10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo):
- 11 Ndinoti kwauri: Simuka utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako.
- 12 Zvino pakarepo wakasimuka, akatora hwanyanza, ndokubuda pamberi pavo vese; zvekuti vese vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.
- 13 Wakabudazve parutivi rwegungwa, chaunga chese chikauya kwaari, akavadzidzisa.
- 14 Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.
- 15 Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nokuti vakange vari vazhinji vakamutevera.
- 16 Zvino vanyori neVaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekunwa nevateresi nevatadzi?
- 17 Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vatano havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.
- 18 Uye vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?
- 19 Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;
- 20 asi mazuva achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva ayo vachatsanya.
- 21 Uye hakuna anosonera chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvaruka kubva pachiri, chitsva kubva pane chakasakara, buri rikanyanya.
- 22 Uye hakuna anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.
- 23 Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.
- 24 VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?
- 25 Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, paakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye?
- 26 Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa, kunze nevapristi, akapawo kwavari vaiva naye?
- 27 Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.
- 28 Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.