마가복음 3장 쇼나
- 1 Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana.
- 2 Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.
- 3 Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.
- 4 Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.
- 5 Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako, ndokutandavadza, ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe.
- 6 VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana neVaHerodhe vachimupikisa kuti vangamuparadza sei.
- 7 Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya,
- 8 nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari.
- 9 Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.
- 10 Nokuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vese vakange vane zvirwere.
- 11 Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.
- 12 Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.
- 13 Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari.
- 14 Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nokuti avatume kunoparidza,
- 15 uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.
- 16 NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,
- 17 naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;
- 18 naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,
- 19 naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba.
- 20 Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kunyange kudya chingwa.
- 21 Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga.
- 22 Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.
- 23 Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei?
- 24 Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.
- 25 Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira.
- 26 Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma.
- 27 Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho.
- 28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvese zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kwese kwavanonyomba nako;
- 29 asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvikira narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi.
- 30 Nokuti vakati: Ane mweya wetsvina.
- 31 Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.
- 32 Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.
- 33 Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?
- 34 Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.
- 35 Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.