누가복음 1장 쇼나
- 1 Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu,
- 2 sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,
- 3 zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvese kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire,
- 4 kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
- 5 Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.
- 6 Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yese nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.
- 7 Uye vakange vasina mwana, nokuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.
- 8 Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,
- 9 maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe.
- 10 Zvino chaunga chese chevanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
- 11 Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
- 12 Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, kutya kukamuwira.
- 13 Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
- 14 Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
- 15 Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.
- 16 Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;
- 17 uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.
- 18 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.
- 19 Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
- 20 Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.
- 21 Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.
- 22 Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti akange aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu.
- 23 Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.
- 24 Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
- 25 Ishe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.
- 26 Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,
- 27 kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria.
- 28 Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi.
- 29 Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.
- 30 Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari.
- 31 Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.
- 32 Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.
- 33 Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo.
- 34 Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume?
- 35 Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.
- 36 Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.
- 37 Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.
- 38 Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.
- 39 Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;
- 40 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.
- 41 Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,
- 42 akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
- 43 Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri?
- 44 Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.
- 45 Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.
- 46 Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
- 47 nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;
- 48 nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ese achati ndakaropafadzwa.
- 49 Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.
- 50 Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera.
- 51 Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.
- 52 Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera.
- 53 Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.
- 54 Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,
- 55 sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi.
- 56 Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.
- 57 Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.
- 58 Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.
- 59 Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria.
- 60 Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani.
- 61 Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri.
- 62 Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.
- 63 Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vese.
- 64 Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.
- 65 Kutya kukawira vese vaigara vakavakomba; nemashoko awa ese akataurwa kunyika yese yezvikomo yeJudhiya.
- 66 Zvino vese vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.
- 67 Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
- 68 Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake;
- 69 akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;
- 70 sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare;
- 71 ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavese vanotivenga;
- 72 kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,
- 73 mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu;
- 74 kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;
- 75 muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ese eupenyu hwedu.
- 76 Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;
- 77 kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo;
- 78 netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, mauri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira;
- 79 kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.
- 80 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.