누가복음 4장 쇼나
- 1 Zvino Jesu azere neMweya Mutsvene wakadzoka achibva paJoridhani, akatungamirirwa neMweya kurenje,
- 2 achiidzwa nadhiabhorosi mazuva makumi mana. Uye wakange asingadyi chinhu nemazuva iwayo; zvino akati apera pakupedzisira akazonzwa nzara.
- 3 Zvino dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.
- 4 Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.
- 5 Dhiabhorosi ndokumutungamidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwese hwenyika nenguva diki-diki.
- 6 Dhiabhorosi ndokuti kwaari: Simba iri rese ndichakupa nekukudzwa kwahwo, nokuti ndakaripiwa ini, uye ndinoripa ani nani wandinoda.
- 7 Naizvozvo iwe kana ukandinamata pamberi pangu, zvese zvichava zvako.
- 8 Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe, Mwari wako, uye umushumire iye ega.
- 9 Akamutungamirira kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;
- 10 nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Acharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
- 11 uye: Pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
- 12 Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.
- 13 Dhiabhorosi akati apedza muedzo wese, akabva kwaari kusvikira pane imwe nguva.
- 14 Zvino Jesu wakadzokera kuGarirea nesimba reMweya; mukurumbira maererano naye ukabudira kudunhu rese rakapoteredza.
- 15 Iye ndokudzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa nevese.
- 16 Akasvika paNazareta, paakange arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nemusi wesabata, akasimuka kuti averenge.
- 17 Akapiwa rugwaro rwemuporofita Isaya. Zvino wakati azarura rugwaro, akawana nzvimbo pakange pakanyorwa kuti:
- 18 Mweya waIshe uri pamusoro pangu, naizvozvo wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakaputsika pamoyo, kuparidza kusunungurwa kuna vakatapwa, nekuona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,
- 19 kudanidzira gore rakanaka raIshe.
- 20 Akapeta rugwaro, akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avese vaiva musinagoge akamutarisisa.
- 21 Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
- 22 Vese vakamupupurira, vakashamisika nemashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Uyu haasi mwanakomana waJosefa here?
- 23 Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri dimikira iri: Murapi, zvirape iwe; zvese zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, zviitewo muno munyika yekwako.
- 24 Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yekwake.
- 25 Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuna Israeri pamazuva aEria, apo denga rakavharwa kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu, zvekuti kwakava nenzara huru panyika yese;
- 26 asi Eria haana kutumwa kune umwe wavo, kunze kwekuSarepita yeSidhoni, kumukadzi chirikadzi.
- 27 Uye vane maperembudzi vazhinji vaivako kuna Israeri panguva yemuporofita Erisha; asi hakuna umwe wavo wakanatswa, kunze kwaNaamani muSiriya.
- 28 Ipapo vese vakange vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.
- 29 Ndokusimuka, vakamusundidzira kunze kweguta, vakauya naye kusvika pamawere pegomo, pakange pakavakwa guta ravo, kuti vamuposhere pasi.
- 30 Asi iye wakapfuura nepakati pavo akaenda.
- 31 Wakabva aburukira Kapenaume, guta reGarirea; uye aivadzidzisa nemasabata.
- 32 Vakashamisika nedzidziso yake, nokuti shoko rake rakange rine simba.
- 33 Zvino musinagoge makange mune munhu aiva ane mweya wedhimoni retsvina; ukadanidzira nenzwi guru,
- 34 ukati: Regai! Tinei nemwi Jesu muNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
- 35 Zvino Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Dhimoni rakati ramuwisira pakati, rikabuda kwaari, risina kumukuvadza.
- 36 Kushamisika kukavasvikira vese, vakataurirana pachavo, vachiti: Ishoko ripi iri? Nokuti nesimba nechikuriri anoraira mweya yetsvina, ikabuda.
- 37 Mukurumbira maererano naye ukabuda kunzvimbo dzese dzedunhu rakapoteredza.
- 38 Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akapinda mumba maSimoni; zvino mai vemukadzi waSimoni vakange vakabatwa nefivhiri huru; vakamukumbirira kwaari.
- 39 Zvino akakotamira pamusoro pavo, akatsiura fivhiri, ikavarega; uye pakarepo vakasimuka vakavashandira.
- 40 Zvino zuva rakati rovira, vese vaiva nevarwere vezvirwere zvakasiyana-siyana vakavauisa kwaari; akaisa maoko pamusoro peumwe neumwe wavo akavaporesa.
- 41 Nemadhimoni akabuda kuvazhinji, achidanidzira achiti: Imwi muri Kristu Mwanakomana waMwari. Akaatsiura akasaatendera kutaura, nokuti akange achiziva kuti ndiKristu.
- 42 Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, zvaunga zvikamutsvaka, zvikauya kwaari, zvikamudzivirira kuti arege kubva kwazviri.
- 43 Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri yeushe hwaMwari kumamwe magutawo; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.
- 44 Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.