요한복음 17장 쇼나
- 1 Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei;
- 2 sezvo makamupa simba pamusoro penyama yese, kuti vese vamakamupa, avape upenyu husingaperi.
- 3 Uye uhu upenyu husingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari wega wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.
- 4 Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite;
- 5 uye ikozvino ndikudzei, imwi Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo.
- 6 Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vakange vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu.
- 7 Ikozvino voziva kuti zvese-zvese zvamakandipa, zvinobva kwamuri;
- 8 nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma.
- 9 Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndevenyu;
- 10 uye zvese zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari.
- 11 Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
- 12 Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekuraswa, kuti rugwaro rwuzadziswe.
- 13 Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari.
- 14 Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
- 15 Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.
- 16 Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
- 17 Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.
- 18 Sezvamakandituma munyika, neniwo ndavatuma munyika.
- 19 Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi.
- 20 Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo;
- 21 kuti vese vave umwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma.
- 22 Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe.
- 23 Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida.
- 24 Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida mavambo enyika asati avapo.
- 25 Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma;
- 26 uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.