요한복음 1장 쇼나
- 1 Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.
- 2 Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.
- 3 Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
- 4 Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
- 5 uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
- 6 Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.
- 7 Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vese vatende naye.
- 8 Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.
- 9 Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.
- 10 Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
- 11 Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.
- 12 Asi vese vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;
- 13 vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.
- 14 Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
- 15 Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti wakange aripo mberi kwangu.
- 16 Nepakuzara kwake isu tese takagamuchira, uye nyasha nenyasha.
- 17 Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
- 18 Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
- 19 Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo VaJudha vakatuma vapristi neVaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?
- 20 Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.
- 21 Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.
- 22 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?
- 23 Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita.
- 24 Ava vakange vatumwa vaibva kuVaFarisi.
- 25 Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
- 26 Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi;
- 27 ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
- 28 Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
- 29 Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.
- 30 Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti wakange ariko mberi kwangu.
- 31 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.
- 32 Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
- 33 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.
- 34 Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.
- 35 Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;
- 36 zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.
- 37 Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.
- 38 Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?
- 39 Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.
- 40 Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.
- 41 Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu.
- 42 Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).
- 43 Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.
- 44 Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro.
- 45 Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
- 46 Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.
- 47 Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.
- 48 Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona.
- 49 Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.
- 50 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.
- 51 Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.