요한복음 4장 쇼나
- 1 Naizvozvo Ishe paakaziva kuti VaFarisi vakange vanzwa kuti Jesu anoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani,
- 2 kunyange Jesu pachake wakange asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,
- 3 akabva Judhiya, akaendazve muGarirea.
- 4 Asi wakange achifanira kugura neSamaria.
- 5 Zvino wakasvika paguta reSamaria rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raakange apa Josefa mwanakomana wake.
- 6 Zvino chitubu chaJakobho chakange chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo pachitubu. Raiva awa rinenge rechitanhatu.
- 7 Kwakasvika mukadzi achibva muSamaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndinwe.
- 8 (Nokuti vadzidzi vake vakange vaenda muguta kunotenga kudya).
- 9 Naizvozvo mukadzi ari muSamaria wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kunwa kwandiri, mukadzi muSamaria? Nokuti VaJudha havadyidzani neVaSamaria.
- 10 Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri: Ndipe ndinwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.
- 11 Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munoitora kupi mvura mhenyu?
- 12 Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakanwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here?
- 13 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani anonwa pamvura iyi, achava nenyotazve;
- 14 asi ani nani anonwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu husingaperi.
- 15 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera.
- 16 Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano.
- 17 Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume.
- 18 Nokuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haasi murume wako; apa wareva chokwadi.
- 19 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita.
- 20 Madzibaba edu ainamata mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo munzvimbo munhu yaanofanira kunamatapo.
- 21 Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema.
- 22 Imwi munonamata chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nokuti ruponeso rwunobva kuVaJudha.
- 23 Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nemuchokwadi; nokutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vavanamate.
- 24 Mwari Mweya; neavo vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.
- 25 Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi anouya anonzi Kristu; kana iye asvika, achatiudza zvinhu zvese.
- 26 Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini.
- 27 Zvino nenguva iyi vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti anotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye?
- 28 Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu:
- 29 Uyai, muone munhu, wandiudza zvinhu zvese zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here?
- 30 Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari.
- 31 Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi*, idyai.
- 32 Asi iye wakati kwavari: Ini ndine kudya kwekudya kwamusingazivi imwi.
- 33 Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvekudya?
- 34 Jesu akati kwavari: Zvekudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake.
- 35 Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa.
- 36 Zvino anokohwa anogamuchira mubairo, uye anounganidza zvibereko muupenyu husingaperi; kuti vaviri anokusha neanokohwa vafare pamwe.
- 37 Nokuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe anokusha, uye umwe anokohwa.
- 38 Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo.
- 39 Zvino vazhinji veVaSamaria kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, rakapupura richiti: Wandiudza zvese zvandakaita.
- 40 Zvino VaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri.
- 41 Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake.
- 42 Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nokuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu.
- 43 Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda kuGarirea;
- 44 nokuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake.
- 45 Zvino wakati asvika kuGarirea, VaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvese zvaakaita paJerusarema pamabiko, nokuti naivo vakange vaenda kumabiko.
- 46 Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paakange aita mvura ive waini. Zvino pakange pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakange achirwara paKapenaume.
- 47 Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika kuGarirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nokuti wakange odofa.
- 48 Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.
- 49 Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa.
- 50 Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako anorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda.
- 51 Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu anorarama.
- 52 Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza.
- 53 Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako anorarama; zvino akatenda iye neimba yake yese.
- 54 Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea.