요한복음 5장 쇼나
- 1 Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo weVaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema.
- 2 Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine maberere mashanu.
- 3 Mukati mawo makange murere chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.
- 4 Nokuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti anotanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho.
- 5 Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo.
- 6 Jesu wakati amuona arere, achiziva kuti ikozvino wakange ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?
- 7 Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu anondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe anoburukira mberi kwangu.
- 8 Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe.
- 9 Zvino pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo.
- 10 Naizvozvo VaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.
- 11 Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako ufambe.
- 12 Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe?
- 13 Zvino wakange aporeswa wakange asingazivi kuti ndiani; nokuti Jesu wakange asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyo.
- 14 Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri.
- 15 Munhu akabva, akaudza VaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.
- 16 Zvino nekuda kweizvozvo VaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata.
- 17 Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvikira ikozvino, neni ndinoshanda.
- 18 Naizvozvo nekuda kweizvi VaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nokuti wakange asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari.
- 19 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nokuti chero icho chavanoita, ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita.
- 20 Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvese zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike.
- 21 Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda.
- 22 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwese;
- 23 kuti vese vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.
- 24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, ane upenyu husingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura kubva murufu akaenda muupenyu.
- 25 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama.
- 26 Nokuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake;
- 27 uye vakamupa simba rekutongawo, nokuti Mwanakomana wemunhu.
- 28 Musashamisika nezvizvi; nokuti awa rinouya, apo vese vari mumakuva vachanzwa inzwi rake,
- 29 zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva.
- 30 Ini handigoni kuita chinhu pachangu; sekunzwa kwangu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma.
- 31 Kana ini ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi.
- 32 Aripo umwe anopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi.
- 33 Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi.
- 34 Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe.
- 35 Iye wakange ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi makange muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake.
- 36 Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nokuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, mabasa pachawo ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma.
- 37 NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake.
- 38 Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda.
- 39 Nzverai magwaro, nokuti imwi munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu.
- 40 Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu.
- 41 Handigamuchiri rukudzo kuvanhu;
- 42 asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri.
- 43 Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye.
- 44 Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari ega?
- 45 Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; ariko anokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi.
- 46 Nokuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nokuti iye wakanyora nezvangu.
- 47 Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu?