요한복음 7장 쇼나
- 1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti VaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya.
- 2 Zvino mutambo weVaJudha, mutambo wematende wakange waswedera.
- 3 Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.
- 4 Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivande iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.
- 5 Nokuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari.
- 6 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
- 7 Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.
- 8 Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika.
- 9 Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.
- 10 Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.
- 11 Zvino VaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya?
- 12 Kwakavapo kun'un'una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga.
- 13 Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya VaJudha.
- 14 Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.
- 15 Zvino VaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza?
- 16 Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma.
- 17 Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu.
- 18 Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.
- 19 Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?
- 20 Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya?
- 21 Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mese.
- 22 Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.
- 23 Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?
- 24 Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.
- 25 Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here?
- 26 Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?
- 27 Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva.
- 28 Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.
- 29 Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.
- 30 Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake rakange risati rasvika.
- 31 Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?
- 32 VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; VaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.
- 33 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.
- 34 Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.
- 35 Naizvozvo VaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira veVaGiriki, adzidzise VaGiriki here?
- 36 Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?
- 37 Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe.
- 38 Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake.
- 39 Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nokuti Jesu wakange asati akudzwa.
- 40 Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.
- 41 Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here?
- 42 Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi?
- 43 Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.
- 44 Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.
- 45 Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru neVaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?
- 46 Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.
- 47 Zvino VaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?
- 48 Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuVaFarisi?
- 49 Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.
- 50 Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:
- 51 Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?
- 52 Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.
- 53 Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.