요한복음 8장 쇼나
- 1 Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.
- 2 Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vese ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.
- 3 Zvino vanyori neVaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,
- 4 vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;
- 5 zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?
- 6 Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa.
- 7 Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
- 8 Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.
- 9 Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari ega, nemukadzi amire pakati.
- 10 Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?
- 11 Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.
- 12 Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu.
- 13 Naizvozvo VaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.
- 14 Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.
- 15 Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.
- 16 Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma.
- 17 Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.
- 18 Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.
- 19 Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.
- 20 Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake rakange risati rasvika.
- 21 Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.
- 22 Naizvozvo VaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo?
- 23 Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.
- 24 Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
- 25 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.
- 26 Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.
- 27 Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba.
- 28 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.
- 29 Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzese zvinovafadza.
- 30 Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari.
- 31 Naizvozvo Jesu wakati kuVaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
- 32 uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
- 33 Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa?
- 34 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi.
- 35 Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi.
- 36 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.
- 37 Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
- 38 Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.
- 39 Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama.
- 40 Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita.
- 41 Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.
- 42 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.
- 43 Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
- 44 Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo.
- 45 Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.
- 46 Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?
- 47 Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari.
- 48 Naizvozvo VaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni?
- 49 Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.
- 50 Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga.
- 51 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi.
- 52 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi.
- 53 Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?
- 54 Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.
- 55 Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.
- 56 Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.
- 57 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here?
- 58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo.
- 59 Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.