사도행전 22장 쇼나
- 1 Varume, hama, nemadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu ikozvino kwamuri.
- 2 Vakati vachinzwa kuti anotaura nerurimi rwechiHebheru kwavari, vakanyanya kunyarara, zvino akati:
- 3 Ini ndiri zvirokwazvo murume muJudha, wakaberekerwa muTaso yeKirikia, akarerwa muguta rino pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa zvakasimba maererano nemurairo wemadzibaba, mushingairiri waMwari, sezvamuri mese nhasi;
- 4 waishusha nzira iyi kusvikira parufu, ndichisunga nekukumikidza mutirongo vese varume nevakadzi,
- 5 nemupristi mukuru sezvaanondipupurira, nedare rese remakurukota evakuru, kwandakagamuchirawo kwavari tsamba kuhama, ndikaenda kuDhamasiko kuti ndiuise kuJerusarema avo vaivapowo vakasungwa, kuti varangwe.
- 6 Zvino zvakaitika kuti ndichifamba ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo kwakapenya kubva kudenga chiedza chikuru chakandipoteredza.
- 7 Zvino ndakawira pasi, ndokunzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unondishushirei?
- 8 Ini ndikapindura, ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta waunoshusha iwe.
- 9 Zvino avo vaiva neni vakaona chiedza, uye vakatya; asi havana kunzwisisa inzwi rewakataura neni.
- 10 Zvino ndikati: Ndoita chii, Ishe? Ishe ndokuti kwandiri: Simuka uende kuDhamasiko; uye ikoko uchaudzwa maererano nezvinhu zvese zvakatarirwa iwe kuti uite.
- 11 Zvino zvandakange ndisingaoni nekubwinya kwechiedza icho, ndakatungamirirwa neruoko nevaiva neni, ndikasvika kuDhamasiko.
- 12 Zvino umwe Ananiasi, murume waishingaira pakunamata zvinoenderana nemurairo, waipupurirwa zvakanaka neVaJudha vese vakange vagerepo,
- 13 akauya kwandiri ndokumira padivi pangu akati kwandiri: Sauro hama, chionazve. Neni nenguva iyo ndikamuona.
- 14 Zvino akati: Mwari wemadzibaba edu wakagara akusarudza kuti uzive chido chake, nekuona Wakarurama, uye unzwe inzwi rinobva mumuromo wake.
- 15 Nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vese chezvawakaona nekunzwa.
- 16 Zvino ikozvino uchanonokerei? Simuka ubhabhatidzwe uye usukwe zvivi zvako, uchidana zita raIshe.
- 17 Zvino zvakaitika kuti ndadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera mutembere, ndikaita chiyeverwa chemweya,
- 18 ndokumuona achiti kwandiri: Kurumidza uye ubude muJerusarema ikozvino-zvino; nokuti havagamuchiri uchapupu hwako maererano neni.
- 19 Ini ndikati: Ishe, ivo vanoziva kuti ini ndaiisa mutirongo nekurova musinagoge rega-rega avo vaitenda kwamuri;
- 20 uye pakadururwa ropa raSitefano chapupu chenyu, neni ndakange ndimirepo ndichibvumirana nekuurawa kwake, uye ndakachengeta nguvo dzevaimuuraya.
- 21 Zvino akati kwandiri: Enda, nokuti ini ndichakutuma kure kuvahedheni.
- 22 Vakamuteerera kusvikira pashoko iri, ndokusimudza inzwi ravo vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti hazvina kufanira kuti ararame.
- 23 Zvino vachidanidzira, nekurasa nguvo, vachikushira guruva mumhepo,
- 24 mukuru wechuru wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto achiti abvunzurudzwe nekurohwa netyava, kuti azive kuti chikonzeroi chavaidanidzira kudai pamusoro pake.
- 25 Zvino vakati vamutandavadzira mberi nemakashu, Pauro akati kumukuru wezana wakange amirepo: Zviri pamutemo here kwamuri kurova netyava munhu ari muRoma uye asina kupiwa mhosva?
- 26 Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaswedera akaudza mukuru wechuru achiti: Chenjerai zvamoda kuita; nokuti munhu uyu muRoma.
- 27 Zvino mukuru wechuru akaswedera akati kwaari: Ndiudze, iwe uri muRoma here? Iye akati: Hongu.
- 28 Mukuru wechuru ndokupindura akati: Nemutengo mukuru ini ndakawana ugaro uhu. Pauro akati: Asi neni ndakaberekwa nahwo.
- 29 Naizvozvo pakarepo vakabva kwaari ivo vaiva vomubvunzurudza. Nemukuru wechuru wakatyawo aziva kuti iye muRoma, uye nokuti wakange amusunga.
- 30 Zvino chifume achida kuziva chokwadi, kuti nemhosva yei aipomerwa neVaJudha, wakamusunungura pazvisungo, akaraira kuti vapristi vakuru nedare ravo remakurukota rese vauye, akaburusira Pauro ndokugadzika pamberi pavo.