사도행전 3장 쇼나
- 1 Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.
- 2 Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.
- 3 Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.
- 4 Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire!
- 5 Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.
- 6 Petro ndokuti: Sirivheri negoridhe handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.
- 7 Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.
- 8 Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.
- 9 Uye vanhu vese vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.
- 10 Vakamuziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari.
- 11 Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vese vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.
- 12 Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume VaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?
- 13 Mwari waAbhurahama newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura.
- 14 Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,
- 15 mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kubva kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.
- 16 Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mese.
- 17 Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.
- 18 Asi Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vese, kuti Kristu achatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi.
- 19 Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pachiso chaIshe dzisvike,
- 20 uye achatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;
- 21 wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvese, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vese kubva panguva dzakare.
- 22 Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakaita seni; iye muchamuteerera pazvese zvaachataura kwamuri.
- 23 Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.
- 24 Uye nevaporofita vese kubva kuna Samueri nevakatevera, vese vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.
- 25 Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahama: Nemumbeu yako marudzi ese enyika acharopafadzwa.
- 26 Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvenyu.