로마서 10장 쇼나
- 1 Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti vaponeswe.
- 2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete paruzivo;
- 3 nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.
- 4 Nokuti Kristu mugumo wemurairo mukururama kuna ani nani anotenda.
- 5 Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo, kuti munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.
- 6 Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu;
- 7 kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa.
- 8 Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza;
- 9 kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa;
- 10 nokuti nemoyo umwe anotenda mukururama, uye nemuromo anobvuma mukuponeswa.
- 11 Nokuti rugwaro rwunoti: Ani nani anotenda kwaari haangazonyadziswi.
- 12 Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevese, wakafuma kune vese vanodana kwaari.
- 13 Nokuti wese ani nani achadana kuzita raIshe achaponeswa.
- 14 Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza?
- 15 Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka?
- 16 Asi vese havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma?
- 17 Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.
- 18 Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yese, nemashoko avo kumigumo yenyika.
- 19 Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.
- 20 NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza.
- 21 Asi kuna Israeri anoti: Zuva rese ndakatandavadza maoko angu kuvanhu vasingateereri nevanokakavara.