로마서 11장 쇼나
- 1 Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini.
- 2 Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana neVaIsraeri, achiti:
- 3 Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu.
- 4 Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.
- 5 Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.
- 6 Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa.
- 7 Ko zvino? Israeri zvaakange achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa;
- 8 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
- 9 NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari;
- 10 meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona, uye mukotamise musana wavo narinhi.
- 11 Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.
- 12 Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
- 13 Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu;
- 14 kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, uye ndiponese vamwe vavo.
- 15 Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa?
- 16 Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro.
- 17 Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi,
- 18 usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.
- 19 Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
- 20 Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe umire nerutendo. Usazvikudza, asi itya;
- 21 nokuti kana Mwari asina kurega matavi echisikirwo, zvimwe haangakuregi iwewo.
- 22 Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa.
- 23 Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.
- 24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo?
- 25 Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvikira kwapinda kuzara kwavahedheni;
- 26 saizvozvowo Israeri wese achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
- 27 Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.
- 28 Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba;
- 29 nokuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.
- 30 Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo;
- 31 saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi;
- 32 nokuti Mwari wakavapfigira vese mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vese.
- 33 Haiwa kudzika kwefuma, zvese yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi!
- 34 Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe? Kana ndiani wakange ari murairidzi wake?
- 35 Kana ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvichadzorerwa kwaari?
- 36 Nokuti zvese zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni.