로마서 12장 쇼나
- 1 Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama, netsitsi dzaMwari, mupire miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika.
- 2 Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara.
- 3 Nokuti ndinoti, nenyasha dzakapiwa kwandiri, kune umwe neumwe ari pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge neuchenjeri, Mwari sezvaakagovera umwe neumwe chiyero cherutendo.
- 4 Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri umwe, asi mitezo yese haina basa rakafanana;
- 5 saizvozvo tiri vazhinji, tiri muviri umwe muna Kristu, uye umwe neumwe tiri mitezo weumwe kune umwe.
- 6 Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kungava kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo;
- 7 kana ushumiri, ngatishande paushumiri; kana anodzidzisa, pakudzidzisa;
- 8 kana anoraira, pakuraira; anopa, ngaape nemoyo wese; anotonga, ngaatonge nekushingaira; anoitira tsitsi, nemufaro.
- 9 Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa, makanamatira zvakanaka.
- 10 Dananai zvikuru nerudo rwehama; pakukudza muchitangirana.
- 11 Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe;
- 12 muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mumunyengetero;
- 13 muchigovera pakushaiwa kwevatsvene; muchishingirira kugamuchira vaeni.
- 14 Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musatuka.
- 15 Farai nevanofara, uye chemai nevanochema.
- 16 Ivai vemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musazviidza vakachenjera.
- 17 Musatsiva ani zvake chakaipa nechakaipa. Muchirangarirai zvakarurama pamberi pevanhu vese.
- 18 Kana zvichigona, sezvinobva kwamuri, garai nerugare nevanhu vese.
- 19 Vadikanwi, musazvitsivira, asi ipai hasha nzvimbo; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anodaro Ishe.
- 20 Naizvozvo kana muvengi wako ane nzara, mupe kudya; kana ane nyota, munwise; nokuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake.
- 21 Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka.