로마서 3장 쇼나
- 1 Ko zvino muJudha ane pundutso yei, kana rubatsiro rwekudzingiswa nderwupi?
- 2 Zvizhinji nemutoo wese; nokuti pakutanga kuti vakabatiswa mashoko aMwari.
- 3 Nokuti ko kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here?
- 4 Ngazvisadaro! Asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wese murevi wenhema, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti munzi makarurama pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu.
- 5 Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichati chii? Kuti Mwari haana kururama here anodurura hasha? (Ndinotaura semunhu.)
- 6 Ngazvisadaro! Kana zvakadaro Mwari angagozotonga nyika sei?
- 7 Nokuti kana chokwadi chaMwari chakawanzwa nenhema dzangu parumbidzo yake, ini ndichiri kutongerweiwo semutadzi?
- 8 Uye zvikasadaro tichapomerwa zvakaipa, uye sezvinotaura vamwe kuti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kuraswa kwavo kunova kwakarurama.
- 9 Ko zvino? Tiri nani here? Kwete nepadiki pese; nokuti tambopa mhosva vese VaJudha neVaGiriki kuti vese vari pasi pechivi,
- 10 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Hakuna wakarurama, kwete kunyange neumwe;
- 11 hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari;
- 12 vese vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo; hakuna anoita zvakanaka, hakuna kunyange neumwe;
- 13 huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu huri pasi pemiromo yavo;
- 14 vemuromo wavo uzere nekutuka nekuvava;
- 15 tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
- 16 kuparadza nekutambudzika zviri munzira dzavo,
- 17 uye nzira yerugare havana kuiziva;
- 18 kutya Mwari hakupo pamberi pemeso avo.
- 19 Zvino tinoziva kuti zvese murairo zvaunoreva, unozvireva kune vari pasi pemurairo; kuti muromo umwe neumwe udzivirwe, nenyika yese ive nemhosva kuna Mwari;
- 20 naizvozvo nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama pamberi pake; nokuti nemurairo kune ruzivo rwechivi.
- 21 Asi ikozvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwemurairo, kuchipupurwa nemurairo nevaporofita;
- 22 ikowo kururama kwaMwari kubudikidza nerutendo rwaJesu Kristu kune vese nepamusoro pevese vanotenda; nokuti hapana musiyano;
- 23 nokuti vese vakatadza vakataira pakubwinya kwaMwari,
- 24 vachinzi vakarurama pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu;
- 25 iye Mwari waakagadza kuva muripo wekuyananisa, nerutendo muropa rake, kuva chiratidzo chekururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari;
- 26 kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva yaikozvino, kuti ave wakarurama uye kururamisa werutendo rwaJesu.
- 27 Naizvozvo kuzvikudza kuripi? Kwavharirwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo.
- 28 Naizvozvo tinogura kuti munhu anonzi wakarurama nerutendo, kunze kwemabasa emurairo.
- 29 Kuti ndiMwari weVaJudha vega here? Haasi wevahedheniwo here? Hongu wevahedheniwo;
- 30 Mwari zvaari zvirokwazvo mumwe, achati kudzingiswa kwakarurama kubva parutendo, nevasina kudzingiswa nerutendo.
- 31 Naizvozvo tinoshayisa maturo murairo nerutendo here? Ngazvisadaro! Asi tinosimbisa murairo.