로마서 4장 쇼나
- 1 Ko zvino tichati Abhurahama baba vedu wakawanei panyama?
- 2 Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari.
- 3 Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama.
- 4 Asi kune anoshanda mubairo hauverengwi sewenyasha, asi sewengava.
- 5 Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama.
- 6 Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti:
- 7 Vakaropafadzwa vane kudarika kwakakanganwirwa, uye vane zvivi zvakafukidzirwa.
- 8 Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingatongoverengeri chivi.
- 9 Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama.
- 10 Ko kwakaverengwa sei? Paakange ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa.
- 11 Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaakange anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevese vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo;
- 12 uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa.
- 13 Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo.
- 14 Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa;
- 15 nokuti murairo unouisa kutsamwa; nokuti pasina murairo, hapana kudarikawo.
- 16 Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yese; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tese,
- 17 (sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo.
- 18 Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvakange zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako.
- 19 Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene wakange watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara;
- 20 asi haana kuva nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari,
- 21 achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, wakange achigonawo kuchiita.
- 22 Zvino naizvozvo zvakaverengerwa kwaari kuti kururama.
- 23 Asi zvakange zvisina kunyorwa nekuda kwake ega, kuti zvakaverengerwa kwaari;
- 24 asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa,
- 25 wakatengeswa nekuda kwezvitadzo zvedu, akamutswazve nekuda kwekunzi takarurama.