로마서 5장 쇼나
- 1 Naizvozvo zvatakanzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,
- 2 watine mapindirowo naye nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri, tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari.
- 3 Zvisati zviri izvo chetewo, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouisa kutsungirira,
- 4 uye kutsungirira kutsiga, nekutsiga tariro;
- 5 uye tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene wakapiwa kwatiri.
- 6 Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.
- 7 Nokuti zvinorema kuti umwe afire wakarurama; nokuti zvimwe kungavapo kunyange angatsunga kufira wakanaka.
- 8 Asi Mwari anosimbisa rudo rwake amene kwatiri, kuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira.
- 9 Naizvozvo zvikurusa, ikozvino zvatinonzi takarurama muropa rake, tichaponeswa naye pahasha.
- 10 Nokuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya zvatakayananiswa tichaponeswa muupenyu hwake;
- 11 zvisati zviri izvozvowo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakagamuchira ikozvino naye chiyananiso.
- 12 Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi, uye saizvozvo rufu rwakapfuurira kuvanhu vese, nokuti vese vakatadza;
- 13 nokuti kusvika murairo wavapo chivi chakange chiripo panyika; nokuti chivi hachiverengerwi, pasina murairo,
- 14 asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange pamusoro pevakange vasina kutadza zvakafanana sekudarika kwaAdhamu, anova mufananidzo waiye wakange achizouya.
- 15 Asi kwete sekudarika, zvakaitawo chipo chenyasha. Nokuti kana nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya kazhinji nyasha dzaMwari nechipo zvakawandira vazhinji nenyasha dzemunhu umwe, Jesu Kristu.
- 16 Uye chipo hachina kuita seumwe wakatadza; nokuti kutongwa kwakabva kuneumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukushaiswa mhosva.
- 17 Nokuti kana nekudarika kweumwe rufu rwakatonga naiyeyu ega, kunyanya ivo vanogamuchira kuwanda kwenyasha nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu naiyeyu umwe, Jesu Kristu.
- 18 Naizvozvo sezvo nekudarika kweumwe kutonga kwakauya kuvanhu vese, mukupiwa mhosva, saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya kuvanhu vese mukusapiwa mhosva kweupenyu.
- 19 Nokuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvowo nekuteerera kweumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.
- 20 Asi murairo wakapinda ukawedzera, kuti kudarika kuwande; asi chivi pachakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa;
- 21 kuti chivi sezvachakatonga murufu, saizvozvo nenyasha dzitonge nekururama kusvika kuupenyu husingaperi, naJesu Kristu Ishe wedu.