로마서 6장 쇼나
- 1 Zvino tichatii? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here?
- 2 Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri?
- 3 Kana hamuzivi here kuti isu tese takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
- 4 Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu.
- 5 Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, asi tichadarowo pakumuka kwake;
- 6 tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe, kuti isu tisachishumira chivi;
- 7 nokuti uyo wakafa wakasunungurwa pachivi.
- 8 Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye;
- 9 tichiziva kuti Kristu amutswa kubva kuvakafa haafizve; rufu haruchina simba pamusoro pake.
- 10 Nokuti pakuti wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti anorarama, anorarama kuna Mwari.
- 11 Saizvozvo nemwi zviverengei semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi munorarama kuna Mwari naKristu Jesu Ishe wedu.
- 12 Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muchiteerere kuchiva kwacho;
- 13 uye musapa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari sevapenyu kubva kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari.
- 14 Nokuti chivi hachizotongi pamusoro penyu; nokuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha.
- 15 Ko zvino? Tichatadza here, nokuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro!
- 16 Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama?
- 17 Asi Mwari ngaavongwe, kuti maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo muenzaniso wedzidziso wamakakumikidzwa kwauri;
- 18 uye masunungurwa kubva pachivi, makaitwa varanda vekururama.
- 19 Ndinotaura nenzira yevanhu nekuda kweutera hwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo ikozvino ipai mitezo yenyu kuva varanda vekururama kunoisa kuutsvene.
- 20 Nokuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama.
- 21 Naizvozvo maiva nechibereko chei panguva iyo pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo ikozvino? Nokuti mugumo wezvinhu izvo rufu.
- 22 Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi.
- 23 Nokuti mubairo wechivi rufu, asi chipo chenyasha chaMwari upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.