고린도전서 2장 쇼나
- 1 Zvino ini, hama, pakusvika kwangu kwamuri, handina kusvika neunyanzvi hweshoko kana hwenjere, ndichiparidza kwamuri uchapupu hwaMwari.
- 2 Nokuti ndakagura kuti ndisaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa.
- 3 Uye ini ndakange ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru.
- 4 Neshoko rangu nemharidzo yangu hazvina kuva nemashoko ekugombedzera enjere dzevanhu, asi mukuratidza kweMweya nekwesimba;
- 5 kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari.
- 6 Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi njere dzisati dziri dzenyika ino, kana dzevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo;
- 7 asi tinotaura njere dzaMwari muchakavanzika, dzakavigwa, Mwari dzaakagara agadza nyika isati yavapo dzive kubwinya kwedu;
- 8 dzisina umwe wevatongi venyika ino wakaziva; nokuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Ishe wekubwinya.
- 9 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvaisina kunzwa, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, izvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.
- 10 Asi Mwari wakazarurira isu neMweya wake; nokuti Mweya unonzvera zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.
- 11 Nokuti ndiani pavanhu anoziva zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvowo zvaMwari hakuna munhu anoziva, kunze kweMweya waMwari.
- 12 Nesu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatinopiwa pachena naMwari;
- 13 zvatinotaurawo, kwete mumashoko njere dzevanhu adzinodzidzisa, asi Mweya Mutsvene waanodzidzisa, tichienzanisa zvemweya nezvemweya.
- 14 Asi munhu wechisikirwo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari, uye haagoni kunzwisisa, nokuti zvinonzverwa pamweya.
- 15 Asi wemweya anonzvera zvinhu zvese, asi iye haanzverwi nemunhu.
- 16 Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine fungwa yaKristu.