고린도후서 10장 쇼나
- 1 Zvino ini Pauro ndomene ndinokukumbirisai neunyoro, uye moyochena waKristu, wakaninipiswa pakati penyu kana ndiripo, asi kana ndisipo ndine ushingi kwamuri;
- 2 ndinokumbirisawo, kuti kana ndiripo, ndirege kuva neushingi nekuzvipira uku kwandinoverengerwa kuti ndine ushingi hwekumirisana nevamwe vanotifungira sevanofamba panyama.
- 3 Nokuti kunyange tichifamba panyama, hatirwi maererano nenyama;
- 4 nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvakasimba kubudikidza naMwari pakuputsa nhare,
- 5 tichiwisa mirangariro nechese chakakwirira chinozvikwiridza chichipesana neruzivo rwaMwari, nekuisa muutapwa murangariro wese pakuteerera Kristu;
- 6 takazvigadzira kutsiva kusateerera kwese, kana kuteerera kwenyu kwazadzisika.
- 7 Munotarira zvinhu pamaonekero azvo ekunze here? Kana munhu achizvivimba kuti iye ndewaKristu, ngaazvirangarirezve, kuti iye sezvaari waKristu, saizvozvo nesu tiri vaKristu.
- 8 Nokuti kana nezvinhu zvizhinjisa ndisazvirumbidzazve maererano nesimba redu, Ishe raakatipa pakuvaka, uye kwete rekuparadza kwedu, handinganyadziswi;
- 9 kuti ndirege kuonekwa sendinokutyityidzirai netsamba.
- 10 Nokuti vanoti: Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba; asi kuvapo kwemuviri kune utera nekutaura kwake kunozvidzika.
- 11 Wakadaro ngaarangarire ichi, kuti sezvatakadaro pashoko kubudikidza netsamba kana tisipo, nesu takadaro pakuita kana tiripo.
- 12 Nokuti hatina ushingi hwekuzviverengera kana kuzvifananidza nevamwe vevanozvirumbidza; asi ivo vanozvienzanisa vega, nekuzvifananidza pachavo, havanzwisisi.
- 13 Asi isu hatingazvikudzi zvinopfuura chipimo, asi zvinoenderana nechipimo chemuganhu Mwari waakatitemera, chipimo chekusvika nekwamuri.
- 14 Nokuti hatizvitandavadzi kupfuurikidza setisingasvikiri kwamuri, nokuti nekwamuriwo takasvika muevhangeri yaKristu;
- 15 tisingazvikudzi kupfuurikidza chipimo pamabasa evamwe; asi tine tariro, kuti kana rutendo rwenyu rwuchiwanzwa, isu tichakuriswa pakati penyu zvinoenderana nemuganhu wedu nekupfuurisa,
- 16 kuparidza evhangeri pamatunhu ari mhiri kwenyu, kwete kuzvirumbidza pamuganhu weumwe pazvinhu zvakagadzirwa.
- 17 Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe.
- 18 Nokuti haasi anozvirumbidza uyo anogamuchirwa, asi Ishe waanorumbidza.