고린도후서 12장 쇼나
- 1 Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri; nokuti ndichauya pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.
- 2 Ndinoziva munhu ari muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana kunze kwemuviri, handizivi, Mwari anoziva), wakadai wakabvutirwa kudenga rechitatu.
- 3 Uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri, kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari anoziva),
- 4 kuti wakabvutwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingabviri munhu kutaura.
- 5 Ndichazvikudza newakadai; asi pamusoro pangu ndomene handizvikudzi, asi pautera hwangu.
- 6 Nokuti kana ndichida kuzvikudza, handaizova benzi; nokuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe angandifungira kuva mukuru kune zvaakaona ndiri, kana zvaakanzwa kwandiri,
- 7 uye kuti ndirege kukudzwa kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa.
- 8 Maererano nechinhu ichi ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri.
- 9 Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakukwanira; nokuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru muutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
- 10 Naizvozvo ndinofara muutera, mukutukwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa, nekuda kwaKristu; nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.
- 11 Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nokuti ini ndaifanira kuziviswa nemwi; nokuti handisariri nepadiki kuvaapositori vakurusa, kunyange ndisiri chinhu.
- 12 Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu pamoyo murefu wese, muzviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba.
- 13 Nokuti chii chamuri pasi nacho kune amwe makereke, kunze kwekuti ini ndomene handina kuva mutoro kwamuri? Ndikanganwirei kusarurama uku.
- 14 Tarirai, ndazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handizovi mutoro kwamuri; nokuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana.
- 15 Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza uye kuparadzirwa mweya yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikanwa zvishoma.
- 16 Asi zvakadaro, ini handina kukuremedzai; asi zvandakange ndine mano, ndakakubatai nekunyengera.
- 17 Ndakakutsvatai here chero neumwe waivo vandakatuma kwamuri?
- 18 Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? Hatinakufamba nemumakwara mamwe here?
- 19 Zvekare munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvese, vadikanwi, zvekuvakwa kwenyu.
- 20 Nokuti ndinotya, zvimwe pakusvika ndikuwanei musina kuita sezvandinoda, neni ndiwanikwe nemwi ndisina kuita sezvamunoda; zvimwe kuvepo makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo;
- 21 zvimwe pakusvika kwanguzve Mwari wangu andininipise pakati penyu, uye ndichemere vazhinji vevakambotadza, vakasatendeuka pakusachena neupombwe neunzenza hwavakaita.