고린도후서 13장 쇼나
- 1 Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumuromo wezvapupu zviviri uye zvitatu shoko rega-rega ritsigirwe.
- 2 Ndakambokuudzai uye ndinogara ndakuudzai, sendakange ndiripo rwechipiri, uye ikozvino ndisipo ndinonyorera avo vakagara vatadza, nekuvamwe vese, kuti kana ndikauyazve, handichavaregereri.
- 3 Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu anotaura mandiri, asina utera kwamuri, asi ane simba mamuri.
- 4 Nokuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, zvakadaro anorarama nesimba raMwari. Nokuti isuwo tine utera maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri.
- 5 Zviongororei kana muri parutendo; zviidzei. Kana hamuzivi here imwi, kuti Jesu Kristu ari mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakaraswa.
- 6 Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti isu hatisi vakaraswa.
- 7 Zvino ndinonyengetera kuna Mwari, kuti musaita chinhu chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike takatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu tive sevakaraswa.
- 8 Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chechokwadi.
- 9 Nokuti tinofara kana isu tine utera, imwiwo makasimba; uye izviwo tinozvinyengeterera, kuperera kwenyu.
- 10 Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba Ishe raakandipa pakuvaka, uye kwete pakuputsa.
- 11 Pakupedzisira, hama, farai, muperedzerwe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare achava nemwi.
- 12 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
- 13 Vatsvene vese vanokukwazisai.
- 14 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mese. Ameni.