갈라디아서 1장 쇼나
- 1 Pauro muapositori asingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kubva kuvakafa,
- 2 nehama dzese dzineni, kumakereke eGaratia:
- 3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu,
- 4 wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panyika yakaipa yaikozvino, maererano nechido chaMwari naBaba vedu;
- 5 kuve nekubwinya kwaari kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
- 6 Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kubva kune uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri;
- 7 isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachidawo kutsaudzira evhangeri yaKristu.
- 8 Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave chakatukwa.
- 9 Sezvatakamboreva, uye ndinorevazve ikozvino: Kana umwe akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyamakagamuchira, ngaave chakatukwa.
- 10 Nokuti ikozvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nokuti kana ndichiri kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.
- 11 Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haina kuita seyevanhu.
- 12 Nokuti neni handina kuigamuchira kumunhu, uye handina kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu.
- 13 Nokuti makanzwa mufambiro wangu kwekutanga pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari zvikurusa sei, nekuiparadza;
- 14 uye ndaibudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichishingairisisa tsika dzemadzibaba angu.
- 15 Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake,
- 16 kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa;
- 17 uye handina kukwira kuJerusarema kune vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda kuArabhiya, ndikadzokerazve kuDhamasiko.
- 18 Ipapo shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi nemashanu.
- 19 Asi handina kuona umwe wevaapositori, kunze kwaJakobho munin'ina waIshe.
- 20 Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarira pamberi paMwari, kuti handinyepi.
- 21 Shure kwaizvozvo ndakaenda kumatunhu eSiriya neeKirikia.
- 22 Asi ndakange ndisingazikanwi pachiso nemakereke eJudhiya aiva muna Kristu;
- 23 asi vakange vanzwa chete kuti: Waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza.
- 24 Vakarumbidzawo Mwari mandiri.