갈라디아서 2장 쇼나
- 1 Shure kweizvozvo kwapfuura makore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema naBhanabhasi, ndikatorawo naTitosi.
- 2 Zvino ndakakwira nekuzarurirwa, ndokuvarondedzera evhangeri yandinoparidza pakati pevahedheni, asi pachivande kune vakange vachikudzwa, zvimwe ndimhanyire kana ndakamhanyira pasina.
- 3 Asi kunyange Titosi waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
- 4 uye nekuda kwehama dzenhema, vakange vapinzwa pachivande, vakange vapinda nekunyangira kuzoshora kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatiise muuranda;
- 5 vatisina kutendera nekuzviisa pasi kunyange kweawa; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe chigere nemwi.
- 6 Asi kune vainzi chinhu (kunyange vaimbova chii hazvirevi chinhu kwandiri; Mwari haagamuchiri chimiro chemunhu), nokuti avo vaikudzwa havana kundiwedzera chinhu;
- 7 asi zvakadaro, vakati vaona kuti evhangeri yevasina kudzingiswa yakakumikidzwa kwandiri, saPetro yevasina kudzingiswa,
- 8 (nekuti iye wakaita nesimba kuna Petro kuvuapositori hwekudzingiswa, wakaita nesimba nekwandiri kuvahedheni);
- 9 zvino vaziva nyasha dzandakapiwa, vanaJakobho naKefasi naJohwani, vaikudzwa kuva mbiru, vakapa ini naBhanabhasi ruoko rwerudyi rwekudyidzana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivowo kune vakadzingiswa;
- 10 chete kuti tirangarire varombo, ichocho chandakashingairirawo kuita.
- 11 Zvino Petro wakati asvika Andiyokiya, ndakamupikisa pachiso, nokuti wakange ane mhosva.
- 12 Nokuti vamwe vasati vasvika vaibva kuna Jakobho, waidya nevahedheni; asi kana vasvika waisuduruka, achizviraura, achitya vekudzingiswa.
- 13 Nevamwewo VaJudha vakanyepedzera pamwe naye, zvekuti Bhanabhasiwo wakatorwa neunyepedzeri hwavo.
- 14 Asi ndakati ndaona kuti havafambi zvakarurama maererano nechokwadi cheevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pevese: Kana iwe uri muJudha, unorarama nemutoo wevahedheni, uye kwete sezvinoita VaJudha, unoroverera sei vahedheni kuti vararame seVaJudha?
- 15 Isu tiri VaJudha pachisikirwo, uye kwete vatadzi vanobva kuvahedheni,
- 16 tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo kuna Jesu Kristu, nesu takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo kuna Kristu, uye kwete nemabasa emurairo; nokuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama.
- 17 Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, nesu tomene tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro!
- 18 Nokuti kana ndikavakazve izvi zvandakaputsa, ndinozviratidza kuva mudariki.
- 19 Nokuti ini nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari.
- 20 Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; handisisiri ini, asi Kristu anorarama mandiri; asi zvandinorarama ikozvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari, wakandida akazvipa nekuda kwangu.
- 21 Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nokuti kana kunzi wakarurama kunowanikwa nemurairo, saka Kristu wakafira pasina.