갈라디아서 3장 쇼나
- 1 Haiwa VaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?
- 2 Ndichochi chete chandinoda kudzidza kwamuri chekuti: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
- 3 Ko muri matununu akadai? Makatanga muMweya, zvino mopedzisa munyama here?
- 4 Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Zvakadaro pasinawo!
- 5 Naizvozvo iye anokupai Mweya neanoita mabasa esimba pakati penyu, anozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
- 6 Abhurahama sezvaakatenda Mwari, zvikaverengwawo kwaari kuti kururama.
- 7 Naizvozvo munoziva kuti avo verutendo, ndivo vana vaAbhurahama.
- 8 Nerugwaro, rwaona zviri mberi kuti Mwari anoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahama, ruchiti: Mauri marudzi ese acharopafadzwa.
- 9 Naizvozvo verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahama wakatenda.
- 10 Nokuti vese vemabasa emurairo vari pasi pekutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese asingarambiri pazvese zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti azviite.
- 11 Asi zviri pachena kuti hakuna munhu anonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nokuti kunonzi: Wakarurama achararama nerutendo.
- 12 Zvino murairo haubvi parutendo, asi zvinonzi: Munhu anoita zvinhu izvi achararama mazviri.
- 13 Kristu wakatidzikunura pachakatukwa chemurairo, aitirwa chakatukwa isu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese wakaremberera pamuti;
- 14 kuti ropafadzo yaAbhurahama isvike kuvahedheni muna Kristu Jesu, kuti tigamuchire nerutendo chivimbiso cheMweya.
- 15 Hama, ndinotaura nemutoo wevanhu; kunyange sungano yevanhu yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.
- 16 Zvino zvivimbiso zvakataurwa kuna Abhurahama nekumbeu yake. Haarevi achiti: Nekumbeu dzako, sevanenge vazhinji, asi saanenge ari mumwe, anoti: Nekumbeu yako; inova Kristu.
- 17 Ndinoreva ichiwo: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo ukazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti uite chivimbiso chive chisina maturo.
- 18 Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa pachena Abhurahama nechivimbiso.
- 19 Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.
- 20 Asi murevereri haasi weumwe, asi Mwari ndeumwe.
- 21 Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nokuti dai pakange pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchibva kumurairo.
- 22 Asi rugwaro rwakapfigira zvese pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.
- 23 Asi kusati kwasvika rutendo, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa kusvikira kurutendo rwaizozarurwa shure.
- 24 Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nerutendo.
- 25 Asi rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.
- 26 Nokuti mese muri vana vaMwari nerutendo muna Kristu Jesu.
- 27 Nokuti mese makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.
- 28 Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume nemunhukadzi; nokuti imwi mese muri vamwe muna Kristu Jesu.
- 29 Zvino kana imwi muri vanhu vaKristu, saka muri mbeu yaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechivimbiso.