갈라디아서 4장 쇼나
- 1 Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvese;
- 2 asi ari pasi pevachengeti nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa.
- 3 Saizvozvo nesu, patakange tiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika.
- 4 Asi apo kuzara kwenguva kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakavapo kubva kumukadzi, wakavapo pasi pemurairo,
- 5 kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.
- 6 Uye nokuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha*, Baba!
- 7 Saka hausisiri muranda, asi mwanakomana; zvino kana wava mwanakomana, wavawo mudyi wenhaka yaMwari nemuna Kristu.
- 8 Asi nenguva iyo, musingazivi Mwari, maiva varanda vevasiri vamwari pachisikirwo;
- 9 asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru sei zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve sei kudzidziso dzekutanga dzisina simba dzeurombo, dzamunoshuva kuva muuranda hwadzo zvekarezve?
- 10 Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.
- 11 Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.
- 12 Ivai seni, nokuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai; hamuna kutombonditadzira chinhu;
- 13 munozivawo kuti nemuundonda hwenyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga,
- 14 nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba, asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.
- 15 Zvino ropafadzo yenyu chii? Nokuti ndinokupupurirai kuti, kana zvichibvira, mutumbure meso enyu mundipe.
- 16 Naizvozvo ndava muvengi wenyu nekukuudzai chokwadi here?
- 17 Vanokushingairirai zvisina kunaka; asi vanoda kukuvharirai kunze, kuti mushingairire ivo.
- 18 Asi zvakanaka kushingairwa pachakanaka nguva dzese, uye kwete pakuvapo kwangu chete.
- 19 Vana vangu vadiki, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri,
- 20 asi ndaishuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nokuti ndiri mukukanganiswa pamusoro penyu.
- 21 Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?
- 22 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama wakange ane vanakomana vaviri, umwe kubva kumurandakadzi, neumwe kubva kune wakasununguka.
- 23 Asi wakabva kumurandakadzi wakaberekwa panyama, asi wakabva kune wakasununguka nechivimbiso.
- 24 Zvinhu izvi zvinodimikira; nokuti ava isungano mbiri; imwe yepagomo reSinai, inoberekera uranda, inova Agari.
- 25 Nokuti Agari ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema raikozvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.
- 26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tese.
- 27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje isingazvari; pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nokuti vana vemusiiwa vazhinji kwazvo kune veune murume.
- 28 Asi isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.
- 29 Asi sepanguva iyo uyo wakaberekwa nemutoo wenyama wakamutambudza iye wemutoo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.
- 30 Asi rugwaro rwunoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nokuti mwanakomana wemurandakadzi haangatongovi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.
- 31 Naizvozvo, hama, hatisi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.