고린도후서 1장 쇼나
- 1 Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vese vari muAkaya yese:
- 2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
- 3 Ngaavongwe Mwari, uye vari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi uye Mwari wenyaradzo yese,
- 4 anotinyaradza padambudziko redu rese, kuti tigone kunyaradza avo vari mudambudziko ripi neripi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo isu tomene naMwari.
- 5 Nokuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvowo nyaradzo yedu yakawedzerwa nemuna Kristu.
- 6 Zvino kana tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobatiswa mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo isu; kana tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu;
- 7 uye tariro yedu maererano nemwi yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvowo venyaradzo.
- 8 Nokuti hatidi kuti musaziva, hama, pamusoro pedambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takaremerwa zvikurusa kukunda simba redu, zvekuti takarasa tariro kunyange yeupenyu.
- 9 Asi isu pachedu takange tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba isu asi kuna Mwari anomutsa vakafa;
- 10 wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye anonunura; watinovimba maari kuti achatinunurazve;
- 11 nemwi muchishandira isu pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu kubudikidza nevanhu vazhinji tivongerwe nevazhinji.
- 12 Nokuti kuzvikudza kwedu ndikoku, kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika, zvikuru maererano nemwi.
- 13 Nokuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchirawo kusvika pakuguma;
- 14 sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo yedu nezuva raIshe Jesu.
- 15 Zvino nechivimbo ichi ndaishuva pakutanga kuuya kwamuri, kuti muve nenyasha dzechipiri;
- 16 nekupfuura nekwamuri ndichienda kuMakedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, uye ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya.
- 17 Naizvozvo ndichifunga saizvozvi, ndakashandisa kusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira, ndinozvipira zvinoenderana nenyama kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete here?
- 18 Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete.
- 19 Nokuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa nesu pakati penyu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu.
- 20 Nokuti zvese zvivimbiso zvaMwari, maari ndihongu, nemaari ndiAmeni, rwuve rukudzo rwaMwari kubudikidza nesu.
- 21 Zvino anosimbisa isu pamwe nemwi muna Kristu, neakatizodza ndiMwari,
- 22 wakatiisawo mucherechedzo isu, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu.
- 23 Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handisati ndauya kuKorinde.
- 24 Kwete kuti tinotonga parutendo rwenyu, asi tiri vabati pamwe chete vemufaro wenyu; nokuti mumire nerutendo.