고린도후서 3장 쇼나
- 1 Tinotangazve kuzviratidza here? Kana tinotsvaka here, sevamwe, tsamba dzekuzviratidza kwamuri, kana dzekuratidza kunobva kwamuri?
- 2 Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikanwa nekuverengwa nevanhu vese;
- 3 muchiratidzwa kuti muri tsamba yaKristu inoshandiswa nesu, yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari anorarama; kwete pamahwendefa emabwe, asi pamahwendefa enyama emoyo.
- 4 Nechivimbo chakadai tinacho naKristu kuna Mwari;
- 5 kwete kuti tinokwanisa isu pachedu kufunga chimwe chinhu sechinobva kwatiri, asi kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari;
- 6 iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yechakanyorwa asi yeMweya; nokuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unoraramisa.
- 7 Asi kana ushumiri hwerufu, pazvinyorwa zvakavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake, kwaipedzwa,
- 8 ko shumiro yeMweya haingazovi nekubwinya kukuru here?
- 9 Nokuti kana shumiro yekupiwa mhosva iri kubwinya, shumiro yekururama ichakunda zvikuru sei mukubwinya.
- 10 Nokuti kunyange icho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa pachinhu ichi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa.
- 11 Nokuti kana icho chinopedzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara, pakubwinya.
- 12 Naizvozvo tine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru mukutaura;
- 13 uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa.
- 14 Asi fungwa dzavo dzakaomeswa, nokuti kusvikira zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu.
- 15 Asi kusvikira zuva rino, kana kuchiverengwa Mozisi, chifukidziro chirere pamoyo wavo.
- 16 Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.
- 17 Zvino Ishe ndiye Mweya; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko.
- 18 Asi isu tese, nechiso chakashama tichiona sepachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe.