갈라디아서 5장 쇼나
- 1 Naizvozvo mirai makasimba murusununguko Kristu rwaakatisunungura narwo, uye musasungwazve nejoko reuranda.
- 2 Tarirai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haakubatsirii chinhu.
- 3 Uye ndinopupurirazve kumunhu wese anodzingiswa, kuti ane ngava rekuita murairo wese.
- 4 Makasunungurwa kuna Kristu, imwi munonzi makarurama kumurairo; makawa panyasha.
- 5 Nokuti isu paMweya tinomirira nerutendo tariro yekururama.
- 6 Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa chero chinhu hazvina maturo; asi rutendo rwunobata nerudo.
- 7 Manga muchimhanya zvakanaka; ndiani wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?
- 8 Uku kukwezva hakubvi kune anokudanai.
- 9 Mbiriso shoma inovirisa bundu rese.
- 10 Ini ndine chivimbo nemwi muna Ishe, kuti hamuchazorangariri chimwe chinhu; asi uyo anokutambudzai achatakura mutongo, angava ani.
- 11 Asi ini, hama, kana ndichiri kuparidza dzingiso, ndichiri kushushirwei? Naizvozvo chigumbuso chemuchinjikwa chabviswa.
- 12 Ndingati avo vanokutambudzai vazvichekewo.
- 13 Nokuti imwi makadanirwa kurusununguko, hama; chete kwete kuti rusununguko rwuve mukana panyama, asi nerudo shandiranai.
- 14 Nokuti murairo wese unozadziswa pashoko rimwe, pane ichi: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.
- 15 Asi kana muchirumana nekudyana, chenjerai kuti murege kupedzwa umwe neumwe wenyu.
- 16 Zvino ndinoti: Fambai muMweya, zvino hamungatongozadzisi kuchiva kwenyama.
- 17 Nokuti nyama inochiva zvinopesana neMweya, neMweya zvinopesana nenyama; uye izvi zvinopesana; kuti musaita zvinhu zvamunoda.
- 18 Asi kana muchitungamirirwa neMweya, hamusi pasi pemurairo.
- 19 Zvino mabasa enyama ari pachena, ndiwo awa: Upombwe, ufeve, tsvina, unzenza,
- 20 kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, makakava, godo, kutsamwa, kupokana, kupatsanurana, kutsauka,
- 21 shanje, umhondi, uraradzi, makaro, nezvakadai; zvandinogara ndakuudzai sezvandakagarawo ndareva, kuti vanoita zvakadai havazodyi nhaka yeushe hwaMwari.
- 22 Asi chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo,
- 23 unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai.
- 24 Asi avo vari vaKristu vakaroverera pamuchinjikwa nyama pamwe nehavi neruchiva.
- 25 Kana tichirarama muMweya, ngatifambewo muMweya,
- 26 tirege kuzvikudza kusina maturo, tichidenhana, tichiitirana shanje.